Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vokurudzira Mushandira Pamwe Kuitira Kubvisa Hurumende yeZanu PF


VaTendai Biti
VaTendai Biti

Mutungamiri webato rePeople’s Democratic Party, Va Tendai Biti, vanoti hurumende yeZanu PF inogona kubviswa chete kana mapato anopikisa akabatana kuitira kuti atorere bato riri kutonga masimba.

Mutungamiri webato rePeople’s Democratic Party, Va Tendai Biti, vanoti hurumende yeZanu PF inogona kubviswa chete kana mapato anopikisa akabatana kuitira kuti atorere bato riri kutonga masimba.

VaBiti vatiwo izvi zvinoita chete kana pachinge pagadziriswa mitemo yose inobata sarudzo.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, Va Biti vati vabvumirana sebato kuti vasimbaradze nyaya yekuti nhaurirano pakati pemapato anopikisa hurumende dzisimbaradzwe pamberi pesarudzo dzemuna 2018.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kunyange hazvo Va Biti varamba kutaura zvakawanda nenyaya yenhaurirano idzi, vane ruzivo nezviri kuitika muchivande pakati pebato ravo, MDC-T, People First inonzi inotungamirirwa naAmai Mujuru iyo isati yaparurwa pamwe nemamwe mapato, vanoti pane chinangwa chekuda kuti mapato ose atsigire munhu mumwe chete achamisidzana naVa Mugabe musarudzo dzemuna 2018.

Zvichakadai, VaBiti vati sebato vari kuda kuti mitemo yose inobata nyaya dzesarudzo ivandudzwe vachiti komisheni inowona nezvekufambiswa kwesarudzo ye Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, iri kunonoka pagadziriro yayo yesarudzo idzi.

Va Biti vati sebato vachanyora mutemo wesarudzo wavanofunga kuti ndiwo unofanira kushandiswa munyika wozeyewa nevemapato anopikisa pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira.

Vati ZEC inofanira kutotanga izvozvi kunyoresa vanhu vachavhota musarudzo dzemuna 2018 kana pachizoshandiswa zvigunwe kana biometric voting system musarudzo idzi.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo uye vari mutungamiri wesangano reCoalition Against Corruption, Va Terry Mutsvanga, vati havawone hurumende yeZanu PF ichivandudza mitemo inobata sarudzo pamberi pesarudzo dzemuna 2018 pakatariswa makakatanwa ari muZanu PF pari zvino.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu PF, Va Simon Khaya Moyo, kuti tinzwe mafungiro ebato ravo panyaya yekuvandudzwa kwemitemo inobata sarudzo iyi.

Mapato makuru anopikisa akaita seMDC yaVa Morgan Tsvangirai, MDC yaVa Welshman Ncube, pamwe ne PDP anoti haasi kuzokwikwidza musarudzo idzi kana mitemo yose inobata sarudzo isati yaitwa.

Va Biti vati vari kushikanawo zvikuru nekusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyaya dzehupfumi zvikurusei nyaya yenzara.

Zvichakadai, Va Tsvangirai avo vanga vachifanira kuita musangano nevatori venhau pamuzinda webato ravo vakanzura musangano uyu vachinzi vaenda ku South Africa zvechimbi-chimbi. Asi hatisati taziva kuti vaenda kunoitei ku South Africa kwacho.

Mutauriri wavo, Va Luke Tamborinyoka, vati pane zvamukira mumakumbo kunyange hazvo vasina kutaura kuti chii chaizvo.

VaTsvangirai vanga vachifanirwa kutaura pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyika, pamire bato ravo panyaya iyi, uye kuti nyika ingafambira mberi seyi

XS
SM
MD
LG