Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorova Nhengo yeMDC Zvakaipisisa kwaRusape

Zimbabwe republic Police
Zimbabwe republic Police

Mukuru wemapurisa munharaunda yeRusape ari kupomerwa mhosva yekuzvindikita imwe nhengo yeMDC yanga yaenda kukamba yemapurisa kunobvunza nezvehurongwa hweMDC hwekuratidzira kusafara nehutongi hwemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, kuri kuda kuitwa nebato iri mangwana ma Rusape makare.

Mutauriri we MDCT mudunhu reManicaland, Va Trevor Saruwaka, vaudza Studio 7 kuti vanowona nezvekurongwa kwemisangano ku Makoni Central mubato ravo, Va Tazviona Marima, vakarohwa zvakaipisisa nemukuru wemapurisa wemaRusape neChitatu achibatsirana nemamwe mapurisa asina kudomwa mazita awo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Va Saruwaka vanoti Va Marima vakarohwa ndokuchengetedzwa nemapurisa mushure mekunge vaenda kunonzwa mhinduro yemapurisa pamusoro pehurongwa hwebato ravo hwekuratidzira kwavari kuda kuita mangwana.

Va Valentine Ziswa, vanove munyori anowona nezvekurima mukomiti yepamusoro ye MDC national executive, vaudza Studio7 parunhare vari kwa Rusape kuti nhengo dzebato ravo dzanga dzaenda kunowona Va Marima pamwe nekuvaunzira chikafu dzarambidzwa kupinda mukamba nemapurisa anga akapakatira zvombo.

Va Saruwaka, avo vanove zvakare mumiriri weMutasa Central muparamende, vati Va Marima vave kutarisirwa kumiswa pamberi pedare neChishanu kunyange hazvo zvisati zvanyotsozivikanwa kuti vari kupomerwa mhosva ipi.

Vaenderera mberi vachiti bato ravo richaenderera mberi nekuratidzira kwavakaronga uku zvisinei nekuti mapurisa anoti kudii.

Hatina kukwanisa kutaura nemukuru wemapurisa ma Rusape, vanzi vanonzi Dispol Gwangwava kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo mapurisa ose anga achidaira nhare pakamba yeRusape anga achiti havasi muhofisi mavo.

Mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vati havakwanise kutaura nezvenyaya iyi sezvo vasati vanzwa kubva kune vamwe vavo vavanoshanda navo vari mudunhu reManicaland.

Zvichakadai, Va Saruwaka vanoti kuratidzira kwavari kuda kuita kwakanangana nekuti VaMugabe vabve pachigaro vachiti hurumende yavo yatadza kugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Asi Va Mugabe pachezvavo vakaudza nyika yose pavaitaura mamiriro akaita zvinhu munyika muna Nyamavhuvhu, kana kuti State of the Nation Address, kuti vane chivimbo chekuti hupfumi hwenyika huchasimukira zvakakomba munguva pfupi iri kutevera.

This item is part of
XS
SM
MD
LG