Bato reRenewal Democrats of Zimbabwe ratanga neChishanu kongiresi yaro yekutanga kubva pakavambwa bato iri Va Elton Mangoma vachidomwa vasina anovakwikwidza semutungamiri webato iri.
Bato reRenewal Democrats of Zimbabwe kana kuti RDZ nhasi ratanga kongiresi yaro yemazuva maviri richizeya nyaya dzakawanda dzinosanganisira bumbiro remitemo yebato iri pamwe negwara richatevedzwa nebato iri kwemakore mashanu ari kutevera.
Vanga vakafanobata chigaro chemutungamiri webato iri, Va Elton Mangoma, vaudza Studio 7 kuti pane vanhu vana vasarudzwa vasina kukwikwidzwa vanosanganisira ivo Va Mangoma pachavo.
Amai Beauty Kerr avo vaiva nhengo ye national working committee ku MDC Renewal Team ndivo vasarudzwa kuva mutevedzeri waVa Mangoma uye havana avakwikwidza.
Vanga vakafanobata chigaro chemunyori webato iri, Va Trust Chikohora, vanove nyanzvi munyaya dzehumhizha hwema computer ndivo vasarudzwa kuve munyori webato vasina avakwikwidza zvakare.
Va Mangoma vaenderera mberi vachiti kongiresi yavo ichazeya nyaya dzakawanda dzinobatawo nyaya dzesarudzo dzichaitwa muna 2018.
Vaenderera mberi vachiti bato ravo richashanda nemamwe mapato pamberi pesarudzo asi vanoti nguva yekuita izvi haisati yakwana.
Vakurudzirawo mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, kuti vatambidze mumwe matomhu vachiti Va Mugabe vave munhu akura zvekuti havachakwanise kuita basa ravo nemazvo.
Vasarudzwa vasina kukwikwidzwa kuve mutauriri webatio iri, Va Pishai Muchauraya, vati bato ravo riri kukura zvakakomba kubva parakavambwa vachiti pane nhengo dzeparamende dziri mune mamwe mapato dzavari kushanda nadzo sebato.
Vatiwo pane vari muchiuto vari kuuya kwavari runyanhiriri vachitsvaga kuti vashande vese.
Imwe nhengo ye RDZ iri kupinda musngano wekongiresi uyu, Va Mvula Muhamba vanobva kuChipinge South, vaudza Studio 7 kuti vanovimba kuti bato reRDZ richagadzirisa zviri kunetsa munyika.
Kongiresi iyi yakatarisirwa kupera mangwana pachasarudzwa hutungamiri hwebato hwakakwana. Va Mangoma vakavamba bato reRDZ mushure mekunetsana kwavakaita naVa Tendai Biti kuchikwata che MDC Renewal Team kwavairwira hukuru mushure mekunge vapatsanurana naVa Morgan Tsvangirai.