Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Vanoparura Bato Ravo Kune Veruzhinji


Joice Mujuru
Joice Mujuru

Vachitaura nevatori venhau mu Harare neChipiri, Amai Mujuru vati nhaurirano dzekuwumba mubatanidzwa pakati pemapato anopikisa hurumende yeZanu PF pamberi pesarudzo hadzisati dzavepo.

Vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, avo vakafanobata chigaro chemutungamiri webato idzva re Zimbabwe People First, vanoti vakazvipira kushandira kuti hupenyu hweveruzhinji husimukire.

Vachitaura nevatori venhau mu Harare neChipiri, Amai Mujuru vati nhaurirano dzekuwumba mubatanidzwa pakati pemapato anopikisa hurumende yeZanu PF pamberi pesarudzo hadzisati dzavepo.

Mashoko aAmai Mujuru aya anotevera mashoko anga achibuda mumapepanhau ekuti ekuti nhaurirano idzi dzave pachinhanho chepamusoro.

Zvataurwa naAmai Mujuru zvinotsigirawo mashoko akataurwa nemutungamiri weMDC, Va Morgan Tsvangirai, mwedzi wapera ekuti hapana nhaurirano dzati dzaitwa.

Va Tsvangirai vanonzi vakaudza vatsigiri vavo kuti pari zvino vanofanira kugadzirira sarudzo dzemuna 2018 sebato kwete kuswerofunga nezvenhaurirano dzisipo.

Zvisinei, Amai Mujuru vati vakazvipira kuita nhaurirano nemamwe mapato vaine chinangwa chekunyurura vana veZimbabwe kubva mumadhaka mavari.

Vatiwo vanoda kuti mitemo yose ine chekuitwa nekufambiswa kwesarudzo igadziriswe sarudzo itsva dzisati dzaitwa sezvinowanzotaurwawo nemamwe mapato anopikisa.

Vati pari zvino bato ravo riri kugadzirira kuti riite kongiresi yaro yekutanga ichasarudzo hutungamiri huchaita basa rekugadzirira kuti bato iri ripinde musarudzo dzemuna 2018.

Amai Mujuru vaenderera mberi vachiti Zimbabwe inyika inofanira kudyidzana nedzimwe nyika vachiti kana vachinge vakunda musarudzo dzemuna 2018, vachadzosera nyika mumubatanidzwa weCommonwealth.

Zimbabwe yakabuda muCommonwealth mushure mekunge mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vapomerwa mhosva yekubirira musarudzo pamwe nekutyora kodzero dzevanhu izvo zvavasina kutambira.

Amai Mujuru vati vari muchiuto havafanire kupindira mune zvematongerwo enyika sezvavari kuita pari zvino uye vati vane hurongwa hwakakomba kwazvo hwekuvandudza hupfumi hwenyika kuitira kuti veruzhinji vawane chouviri kuburikidza nekupedza huori hwavati hwatekeshera muhurumende.

Vachipindura mubvunzo wemumwe mutori wenhau wekuti hukama hwavo naVaMugabe hwakamira sei pari zvino, Amai Mujuru vati havana nguva yekuswera vachitaura nezvaVaMugabe vachiti chakakosha kutungamidza zvido zveveruzhinji mberi.

Vati havafunge kuti VaMugabe, avo vakasvitsa makore makumi mapfumbamwe nemaviri mwedzi wapera, havararangarire zvimwe zvituko zvavakashandisa vachivatsvinyira.

Vatiwo havana mhosva yavakapara ndokusaka pasina kana mupurisa mumwe chete zvake akambovasunga nezvenyaya dzehuori nekuda kuponda VaMugabe dzavaipomerwa pavakazodzingwa muZanu PF.

Pavapedza musangano nevatori venhau, Amai Mujuru vawana vakamirirwa nevatsigiri vavo panze pehotera yavanga vachiitira musangano uyu avo vavatambira nemufaro mukuru.

Amai Mujuru vaudza vanhu ava kuti vakazvipira kuvashandira uye vashoropodza nyaya dzemhirizhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika.

Mumwe wevatsigiri vavo, Amai Nester Chikowore, avo vati vanogara muBudiriro, vati vari kufara zvikuru kuti Amai Mujuru vakawumba bato vachiti vanotarisira kuti vachatungamidza zvido zvemadzimai pamberi sezvo ivo Amai Mujuru vari mudzimai pachezvavowo.

Zvichakadai, Amai Chikowore vakurudzira kuti Amai Mujuru vashande pamwe nemamwe mapato kuti vabvise hutongi hweZanu PF.

Mumwe mutsigiri webato reZimbabwe People First, Muzvare Charlene Kanoshambira, vati vane tarisirowo yekuti kupinda kwaAmai Mujuru mukupikisa hurumende yaVa Mugabe kuchabatsirawo kugadzirisa nyaya yekushayikwa kwemabasa.

Amai Mujuru pavaita musangano wavo nevatori venhau, panga paine vanomirira nyika dzekunze nevamwe vari mune zvematongerwo enyika vanosanganisira Va Didymas Mutasa, Va Rugare Gumbo, Va Dzikamai Mavhaire, Va Ibbo Mandaza, Retired Major Kudzai Mbudzi, Va Sylvester Nguni, Va Bright Matonga, Va Pearson Mungofa nevamwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG