Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Mbada Diamonds Ngaibvumidzwe Kuchengetedza Midziyo Yayo kwaMarange


Hurumende haina kutevedzera zvinodiwa nemitemo yenyika apo yakabvisa midziyo yeMbada Diamonds kwaChiadzwa zvichitevera kusapihwa nehurumende kwekambani iyi rezenisi rekuramba ichiita basa rekuchera mangoda.

Hurumende haina kutevedzera zvinodiwa nemitemo yenyika apo yakabvisa midziyo yeMbada Diamonds kwaChiadzwa zvichitevera kusapihwa nehurumende kwekambani iyi rezenisi rekuramba ichiita basa rekuchera mangoda.

Izvi zviri mumutongo waturwa neChitatu nedare repamusoro.

Mutongi wedare repamusoro, Va Joseph Mafusire, vatura mutongo wekuti kambani yaichera mangoda kwaMarange yeMbada Diamonds yakabvisirwa michina yayo yekucheresa mangoda panzvimbo iyi zvisiri pamutemo.

Mumutongo wavo, Va Mafusire vati michina iyi inofanira kuramba iripo kusvikira nyaya yairi kukwikwidza kumatare kuti irambe ichichechera mangoda aya yapedzwa kuzeyewa mumatare.

Zvaturwa nedare zvatsinhirwa nerimwe remagweta ari kumirira panyaya iyi, Va Lewis Uriri.

Asi Va Uriri vati havasi kubvumirana nemutongo waturwa nedare vachiti vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro-soro re Supreme Court vachiti hurumende yakapa makambani aya mwedzi mitatu sezvinodiwa pamurawu kuti vabvise michina yavo kuminda yemangoda kwaMarange.

Mutongi wedare ati kambani yeMbada ibvumidzwe kuisa vanhu vayo vanochengetedza michina iyi kudzamara nyaya yayo iri mumatare yapera kuzeyewa mumatare.

Izvi zvinotevera kudzingwa kunonzi kwakaitwa vashandi vekambani iyi nemapurisa akaenda kunochengetedza kwaMarange zvichitevera kurambidzwa kwakaitwa makambani ese aichera mangoda kwaChiadzwa nehurumende kuti aenderere mberi nebasa.

Zvisinei, Va Mafusire vati Mbada Diamonds haibvumidzwe kuchera mangoda kwaChiadzwa sezvo isina kumutsurudza rezenesi rayo rekuchera mangoda sezvinodiwa nemutemo.

Hurumende yakadzinga makambani ese aichera mangoda kwaChiadzwa ichiti akange asina kumutsurudza marezenesi awo uye makambani aya anga achiramba kubatana kuti awumbe kambani imwechete izvo zvinonzi nehurumende zvaizoita kuti inyatsokwanisa kuongorora mafambiro aiita mangoda kwaChiadzwa.

Mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vanoti pane mari inodarika mabhiriyoni gumi nemashanu emadhora ($15 billion) yakanyangadika mukutengeswa kwaiitwa mangoda nemakambani aichera mangoda kwaMarange.

Kunyange hazvo Va Mugabe vakataura izvi, hapana kana munhu mumwe chete ati asungwa achipomerwa mhosva iyi izvo zvakonzera kuti vemapato anopikisa vanyunyute.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG