Zvizvarwa zveZimbabwe nemusi weChitatu zvakapemberera kusvitsa kwakaita nyika makore makumi matatu nematanhatu yawana kuzvitonga kuzere mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachivimbisa kuti hurumende yavo ichagadzirisa zvose zviri kunetsa munyika.
Zviuru nezviuru zvevanhu zvakaungana munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika zvichipemberera kusvitsa kwaita nyika makore makumi matatu nematanhatu yawana kuzvitonga kuzere.
Vachitaura pamhemberero dzakaitwa munhandare yeNational Sports Stadium muHarare, mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vati hurumende yavo yashanda kugadzirisa nyaya dzehupfumi hwenyika kunyange hazvo hurumende yavo yakatemerwa zvirango nenyika dzekunze dzakaita seAmerica.
Kunyange hazvo vachiti zvinhu zvave nani munyika, mumwe mudzimai auya pamhembero idzi watisina kuziva zita rake asungwa mushure mekunge ashevedzera pasvika VaMugabe pamhemberero idzi kuti ane nzara uye anodawo chidimu chake chemabhiriyoni gumi nemashanu anonzi naVaMugabe akabiwa pakutengeswa kwemangoda ekwaChiadzwa.
Kushayikwa kwemari iyi pamwe nekuoma kuri kuramba kuchiita zvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi ndezvimwe zvezvikonzero zvakaita kuti nhengo dzeMDC dziratidzire svondo rapera.
Zvichakadaro, VaMugabe vati hurumende yavo iri kushanda zvakasimba kuitira kuti vanhu vasaziye nenzara iyo inonzi yakakonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura kwakakonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.
Vakurudzirawo kuti nyaya dzehuori dzipere kuitira vashoma vasanote voga veruzhinji munyika vachinhonga svosve nemuromo.
Zvisinei, VaMugabe vati varikufara kuti hurumende yavo yakwanisa kugadzirisa nyaya yekunetsa kwanga kuchiita magetsi, kuwaniswa kwemvura mudzimba dzakawanda pamwe nekugadzirwa kwemigwagwa kunyange hazvo pachine zvakati kuti zviri kuda kuitwa.
Vati hurumende yavo yakashanda zvakasimba kuvhura makambani akanga avharwa uye vati pane mamwe makambani akavhurwa munguva yapfuura.
Kunyange hazvo VaMugabe vachiti vakavhura akange avharwa nekuvandudza mamwe makambani akanga ave kuparara, sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions rinoti makambani anosvika chiuru akavharwa kubva pakaitwa sarudzo dzemuna 2013.
VaMugabe vakakurudzira veruzhinji kuti vacherechedze basa guru rakaitwa nevarwi vehondo yeChimurenga kuti vaunze rusunguko munyika.
Veruzhinji vakange vakazadza nhandare iyi vairidzirwa mimhanzi nevaimbi vakati kuti pamwe nekutambirwa navana vanga vachiita anozivikanwa nokunzi ma mass displays. Zimbabwe yakawana kuzvitonga kuzere kubva kunyika yeBritain musi wa 18 Kubvumbi 1980.VaMugabe ndivo vatungamira nyika kubva zvayawana kuzvitonga kuzere.