Amai Victoria Chitepo pamwe chete naAmai Vivian Mwashita Muchicho avo vakashaya svondo rapera vakaradzikwa nemusi weChitatu pamarinda anovigwa magamba enyika pa National Heroes Acre.
Zviuru nezviuru zvevanhu zvaungana pamarinda anovigwa magamba enyika panga pachiradzikwa Amai Chitepo naAmai Mwashita Muchicho avo vanonzi vakashanda zvakawomarara mukusunungurwa kwakaitwa nyika muna 1980.
Vachitaura pakuvigwa kwevaviri ava, mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vati varwadziwa zvikuru nekufa kwakaita madzimai maviri aya vachiti akashanda zvakasimba kuti nyika iwane rusununguko rwainarwo.
Ataura akamirira mhuri yekwaChitepo, VaZvenyika Chitepo, vanove mwana wemushakabvu, vati amai vavo vakashandawo zvakasimba mukusimudzirwa kwenyika dziri kuchamhembe kweAfrica.
Nyasha Mwashita uyo ataura akamirira mhuri yekwaMashita uye ari mwana wemushakabvu, ati chikuru chaakadzidza pana amai vake inyaya yekuti munhu anofanira kushanda zvakasimba kuti abudirire.
Sachigaro wesangano revakarwa muhondo yeChimurenga, VaChris Mutsvangwa, vati veruzhinji vanofanira kutevera tsoka dzaAmai Chitepo pamwe naAmai Mwashita nechinangwa chekuti hupfumi hwenyika husimukire.
Rufu rwaAmai Chitepo naAmai Mwashita rwasanganisa zvipoka zviviri zveZanu PF zvirikurwisana nenyaya yemasimba mu Zanu PF asi mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, avo vari kuDubai kwavanonzi vakaenda nedangwe ravo Bona Mugabe Chikore ari kuda kusunuguka, pamwe nevemapato anopikisa vese kusanganisira vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vanga vasipo pakuvigwa kwemagamba aya.
VaLuke Tamborinyoka, vanove mutauriri wemutungamiri weMDCT VaMorgan Tsvangirai, vati VaTsvangirai nehutungamiri hwebato ravo havana kuenda kurufu urwu nyangwe zvazvo vakatumira mashoko enyaradzo kumhuri yekwaChitepo nepamusana pekuti Zanu PF yave kutora kuvigwa kwemagamba enyika sechiitiko chebato rayo.
Hatina kukwanisa kutaura nevePeople First nemamwe mapato kuti tinzwe kuti sei vasina kuenda kwanga kuchivigwa magamba aya. Pakawana nyika kuzvitonga kuzere muna 1980, Amai Chitepo, avo vaiva mudzimai werimwe gamba renyika VaHerbert Chitepo, vakaitwa mutevedzeri wegurukota rezvedzidzo kusvika muna 1982.
Kubva muna 1982 kusvika muna 1990, Amai Chitepo vakanga vari gurukota raiona nezvekushanyirwa kwenyika. Vakazoitwa gurukota raiona nezvekuburitswa kwemashoko vakazovezve gurukota rainoona nezvematunhu. Vakange vari nhengo yeparamende kubva muna 1980 kusvika muna 1995 uye vakamirira Mutasa neBuhera West muparamende.
Amai Chitepo, avo vakawanikwa vakafa mumba yekugezera kumba kwavo, vasiya vana vashanu, vazukuru vasere.
Amai Mwashita, avo vakarwa muhondo yerusununguko, vakamboshanda pamuzinda weZanu PF nyika yawana kuzvitonga kuzere vakazove musori. Vakasiya basa muna 1995 vave kuenderera mberi nenyaya dzezvematongerwo enyika.
Vakashandawo zvakasimba mukuumbwa kwesangano revakarwa muhondo yerusunguko. Muna 1995, Amai Mwashita vakasarudzwa kuve nhengo yeparamende yaimirira Harare South.
Muna 2005 vakasrudzwa zvakare senhengo yedare reseneti yaimirira Mvurachena. Amai Mwashita, avo vakange varohwa nestiroko kaviri uye vaine chirwere cheshuga, vasiya murume, VaPeter Muchicho, vana vatatu nevazukuru vatanhatu.