Vashandi vekambani yeNational Railways of Zimbabwe, kana kuti NRZ, varatidzira muHarare nemusi weChishanu vachiti vanoda mari dzavo dzemihoro dzavave nenguva inodarika gore vasiri kuwana.
Vashandi veNRZ vanodarika mazana matatu varatidzira muHarare nhasi kubva pamahofisi akambani iyi vakapfuura nepaparamende kudzamara vasvika kumahofisi egurukota rinoona nezvevashandi.
Vashandi veNRZ ava, avo vanga vakasangana nevamwe vakamiswa basa kare nekambani iyi, vati nguva yareba NRZ isiri kupinza ruoko muhomwe kuti ivabhadhare.
Mumwe wevaratidziri ava, VaTafadzwa Bhunu, vati hupenyu hwavakuvaomera sezvo pave negore nemwedzi mitatu vasati vawana mari dzavo dzemihoro.
Mumwe wevaratidziri ava, Muzvare Linda Masarira, ayo vanove mumwe wevakadzingwa basa nekambani iyi, vanoti chinorwadza ndechekuti NRZ haina chairi kutaura pamusoro pemari dzavo dzekusiya basa kana kuti ma terminal benefits.
Muzvare Masarira vanoti vachiri mushandi wekambani iyi sezvo nyaya yekudzingwa kwavo ichiri kumatare.
Muzvare Masarira vashora gurukota rezvevashandi, Amai Prisca Mupfumira avo vakati vashandi veNRZ vadzoke kubasa kunyange hazvo pasina kana mumwe chete akapihwa kana kobiri zvaro.
Varatidziri ava vasiya magwaro enyunyuto kuparamende pamwe nekuhofisi kwegurukota rezvevashandi uye magwaro enyunyuto arikurudzira hurumende kuti iwone zvaingaite nekukasika kuitira kuti vawane mari dzavo dzemihoro.
Vakafanobata chigaro chemukuru wekambani yeNRZ, VaLewis Mukawada vati tivatumire mibvunzo yakanyorwa pasi asi pataenda pamhepo vanga vasati vapindura mibvunzo iyi.