Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yoendesa Banga Guru reNyika kuMatare


VaObert Gutu
VaObert Gutu

Bato rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti rave kuendesa bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, kumatare edzimhosva pamusoro pehurongwa hwebhanga iri hwekuda kuwunza mari yepepa iri kudaidzwa kuti ma bond notes.

Bato rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti rave kuendesa bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, kumatare edzimhosva pamusoro pehurongwa hwebhanga iri hwekuda kuwunza mari yepepa iri kudaidzwa kuti ma bond notes.

MDC-T inoti zviri kuda kuitwa nebhanga iri zviri kunze kwemutemo.

Nhengo dzekomiti yepamusoro ye MDC-T ye National Executive dzasangana pamuzinda webato iri paHarvest House neChina dzikabuda nechisungo chekuti bato ravo rikwidze nyaya yema bond notes kudare repamusoro-soro sezvo bato iri richiti zviri kuda kuitwa neRBZ zvinotyora bumbiro remitemo yenyika.

Mutauriri weMDC-T, Va Obert Gutu, vaudza Studio 7 papera musangano uyu kuti bato harisi kuzopeta mawoko aro hurumende yeZanu PF ichiita muzerere nenhupenyu hwevanhu.

VaGutu vati RBZ haina masimba ekudhinda mari isiri mari inocherechedzwa nenyika kana kuti official currency.

VaGutu vatiwo bato ravo richaratidzira mumigwagwa nenyaya iyi.

Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vakati vachapa zvikamu zvishanu kubva muzana zvema bond notes kune vemabhizimusi vanenge vachitengesa zvinhu kunze kwenyika senzira yekukurukudzira kuti vemabhizimusi vatengesere dzimwe nyika kuti nyika iwane mari yekunze sezvo vachiti mari zhinji iri kubuditswa munyika zvisiri pamutemo hurumende isina chairi kuwana.

Nekune rumwe rutivi, mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vaudzawo Studio 7 parunhare kuti havangamhanyire kumedza kutsenga vachada vachiti vari kumirira kutanga vawona kuti veRBZ pamwe naivo veMDC-T vachaitasei nezvenyaya iyi.

MDC-T inoti zviri kuda kuitwa nehurumende izvi kudzosa mari yemuZimbabwe nerweseri.

Asi VaMangudya vakati mari yekunze icharamba ichishandiswa munyika kudzamara hupfumi hwenyika hwagadzikana kuti Zimbabwe ikwanise kudhinda mari yayo.

XS
SM
MD
LG