Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nhasi vati havasi kuzosiya chigaro chavo sezviri kutaurwa nevamwe vevakarwa muhondo yerusunguko vachiti vakadzika midzi pahutungamiri hwenyika.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vapihwa kusvika kupera kwemwedzi unouya kuti vasiye basa sezvo vakundikana kutonga.
Masangano anomirira vashandi nevashandirwi akomekedza hurumende kuti igadzirise zviri kunetsa munyaya dzehupfumi munyika kuitira kuti vashandi vemuZimbabwe vasaende kune dzimwe nyika kwavanonzi vari kunobatwa senhapwa.
Bato reZanu PF nhasi razivisa kuti richapa nzvimbo dzekuvakira dzimba kana kuti ma stands kune vechidiki vebato iri senzira yekuzadzikisa zvakavimbiswa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pavaitsvaga rutsigiro.
VaMugabe vakurudzira veruzhinji kuti vangwarire vanhu vanouya vakapfeka nhumbi dzesvondo ivo vari ny’any’a.
Mutungamiri weMDCT Va Morgan Tsvangirai, avo vasiri kunzwa zvakanaka, nemusi weChishanu vakadoma vamwe vatevedzeri vavo vaviri zvave kureva kuti vave nevatedzeri vatatu.
Hurumende nhasi yadzinga munyika vatori venhau vaviri vekambani yekuBritain ye Sky News ichiti vanga vachishanda zviri kunze kwemutemo.
Gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaIgnatius Chombo vanoti mapurisa achange akadirwa munyika yose neChitatu apo pakatarisirwa kuti veruzhinji vacharamwa mabasa zvakare sezviri kukurudzirwa nemamwe mapoka.
Mutongi wedare ramejasiteri, VaNoel Mupeyiwa vawana VaKereke vaine mhosva yekubata chibharo mwana wehama yavo ari pasi pemakore gumi nemasere vachimutyisidzira nepfuti makore matanhatu adarika.
Muchuchusi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, avo vakambomiswa basa nemisu weChina, vasungwa vachangobuda mudare redzimhosva umo manga muchinzwikwa imwe nyaya yavari kupomerwa.
Muchuchisi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, nhasi vasvitsa chikumbiro kudare chekuti mutongi arikunzwa nyaya yavari kupomerwa yekushandisa masimba avo zvisirizvo pabasa ageze mawoko panyaya iyi.
Vedzisvondo varatidzira muHarare nhasi vachiti gurukota rezvedzidzo VaLazarus Dokora vanofanira kusiya basa nepamusana pemhiko dzavakati dziitwe muzvikoro idzo dzinonzi nevedzisvondo ava dzinotyora kodzero dzekunamata chitendero chavanoda.
Vanhu vaviri vasungwa muHarare nhasi mushure mekuratidzira kwaitwa nevagari vemuguta iri vachinyunyuta nekugara kuri kuita mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko muhotera kwenguva refu vachishandisa mari yehurumende.
Mutungamiriri webato rinopikisa reMDC vaMorgan Richard Tsvangirai nhasi vavimbisa kuti vacharamba vachiratidzira nenyika yose kudzimara hurumende yeZanu PF yavaRobert Mugabe yagadzirisa zvose zvinentswa zvenyika zvopa veruzhinji kuti vanonge svosve nemuromo.
Mabhanga mazhinji atanga kupa veruzhinji mari yekuSouth Africa pamwe neyekuChina asi veruzhinji vanoti mari iyi haisi kuwanikwa nyore.
Mapurisa anodzivirira mvongamupopoto akarwisa vechidiki vari kuzviti Tajamuka vairatidzira muHarare.
Varume vashanu vanosanganisira nhengo dzesangano reOccupy Africa Unity Square, avo vakasungwa neChitatu muHarare vakamiswa pamberi pedare nemusi weChishanu vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.
Kushaikwa kuri kuitwa mari mumabhanga kunonzi kwavekukonzera kuti vanhu vazhinji vatenge chikafu nehuwandu vachityira kuti zvinhu zvichazotanga kushayikwa zvakare muzvitoro.
Veruzhinji vanoti vanotambira kubatana kwakaita mapato mashanu anopikisa hurumende yeZanu PF nemusi weChitatu vachipa kurudziro yekuti mapato ose anopikisa anofanira kuita mushandirapamwe kuti akunde musarudzo dzinotevera.
Mapato mashanu anopikisana nehurumende yeZanu PF nemusi weChipiri akanyorerana chibvumirano chemushandirapamwe pamberi pesarudzo dzichaitwa muna 2018.
Rodhai zvimwe