Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voumba Komiti yeKuferefeta VaJohannes Tomana

VaJohannes Tomana
VaJohannes Tomana

Gweta guru rehurumende, VaJohannes Tomana, nemusi weChina vakasvitsa chikumbiro kudare chekuti mutongi arikunzwa nyaya yavari kupomerwa yekushandisa masimba avo zvisirizvo pabasa ageze mawoko panyaya iyi.

Nekune rumwe rutivi, mutongi uyu akatarisirwa kutura mutongo nemusi weChishanu pachikumbiro chevaratidziri vanodarika zana vakasungwa muHarare neMuvhuro chekuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

Gweta raVaTomana rakasvitsa chikumbiro chekuti mutongi wedare ramejasitiriti, VaVakayi Chikwekwe, vageze maoko saPirato nyaya itongwe nemumwe mutongi sezvo vachiti pamutemo hazvikodzere kuti vanzwe nyaya iyi.

Gweta iri, Advocate Thabani Mpofu, rinoti mawoko aVaChikwekwe akasviba nekuti ndivo vakanzwa nyaya yekuti VaTomana vatongwe nenyaya yavari kupomerwa iyi, kana kuti remand hearing, nokudaro vanofanira kugeza maoko avo kuitira kuti nyaya iyi inyatsotongwa zvakaswatuka.

Kutongwa kwenyaya yaVaTomana kwanga kuchifanira kutanga nemusi weChina asi izvi zvakundikana zvichitevera chikumbiro chasvitsa kudare naVaTomana ichi kubudikidza negweta ravo.

VaChikwekwe vati vachatura mutongo wavo panyaya iyi mangwanana.

VaTomana varikupomerwa mhosva yekushandisa masimba avo zvisirizvo panyaya yevanhu varimuchiuto vanonzi vaida kubhomba kupurazi remutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuMazowe.

Zvichakadaro, VaMugabe nhasi vagadza komiti kana kuti tribunal ichaferefeta VaTomana pamhosva dzavari kupomerwa neJudicial Services Commission dzekusatevedzera mitongo inenge yaturwa nematare.

Nekune rumwe rutivi, rimwe regweta akamirira VaMugabe panyaya yakakwidzwa naVaJealous Mawarire kumatare yakazokonzera kuti sarudzo dziitwe muna 2013, VaRay Gova ndivo vadomwa naVaMugabe kuti vambofanobata masimba emuchuchisi mukuru wehurumende uku VaTomana cachiferefetwa nekomiti iyi.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, VaChikwekwe vati vachatura mutongo wavo nemusi weChishanu pachikumbiro chakasvitswa kudare nemagweta ari kumirira vasungwa zana nevana vakasungwa neMuvhuro ku Epworth neku Mabvuku mushure mekuratidzira.

Hurumende iri kupomera vasungwa ava mhosva yekukonzera mhirizhonga munzvimbo mbiri idzi.

Rimwe remagweta revasungwa ava, VaObey Shava, vaudza Studio 7 kuti mutongi wedare haana kutarisa nyaya yavakasvitsa kudare neChitatu yekuti pavasungwa ava pane vana vadiki vasingakodzere kuti vamiswe pamberi pedare nezvenyaya iyi iyi avo vanonzi vakabatanidzirwa mukusungwa kwakaitwa vasungwa ava nemapurisa.

VaShava vatiwo pane vasungwa vakati kuti vatadza kuuya kudare zvichitevera kukuvara kwavakaita pavanonzi vakarumiswa nembwa nemapurisa vachiratidza kusafara kwavo nekuwanda kwakaita mapurisa mumigwagwa.

Zvichakadaro, vanhu vazhinji vadzokera kumabasa zvichitevera kuramwa mabasa kwakitwa nevanhu vakawanda munyika yose neChitatu.

Mumwe wevanhu vadzokera kumabasa ndiMuzvare Georgina Muzavazi avo vanoti nyangwe zvazvo vadzokera kumabasa, hurumende inofanira kugadzirisa zvose zviri kunetsa munyika kuitira kuti veruzhinji vagare zvakanaka.

Zvichakadaro, mapurisa anodzivirira mvongamupopoto aswere azere mumigwagwa yemuHarare achichengetedza runyararo asi hapana kana mhirizhonga yatanzwa yaitika kana vamwe vasungwa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG