Accessibility links

Breaking News

MDC Yoratidzira kwaMutare Ichiti VaMugabe Ngavaende paMudyandigere


Mutungamiriri webato rinopikisa reMDC VaMorgan Richard Tsvangirai vavimbisa kuti vacharamba vachiratidzira nenyika yose kudzimara hurumende yeZanu PF yaVaRobert Mugabe yagadzirisa zvose zvinetswa zvenyika zvopa veruzhinji kuti vanonge svosve nemuromo.

VaTsvangirai avo vari kusimbirwa nemuviri havana kuenda kwaMutare sezvange zvakatarisirwa nevatsigiri vavo.

Asi mumashoko avo VaTsvangirai averengwa nemutevedzeri vavo Muzvare Thokhozani Khupe, mutungamiriri weMDC ati yava nguva zvino yekuti vatsigiri vebato iri nevamwe vose munyika vasimuka vachiratidzira kudzimara zvichemo zvevanhu zvagadziriswa.

Vanhu vangangosvika zviuru zvitatu nhasi vafamba kubva mumusha mukuru weSakubva kwaMutare vakananga muguta vaine zvinyora zvine zvinyunyuto zvavanoda kuti dzigadziriswe nehurumende.

Amai Khupe vazoverenga mashoko aVaTsvangirai paMeikles Park muguta. Vati yave nguva yekuti VaMugabe vasiye masimba vape vamwe vanokwanisa kugadzirisa nyika.

“Ngaachienda kwaZvimba Mugabe, nguva yakwana yekuti president Tsvangirai vaende kuState House, vaende kunogadzirisa hupenyu hwevanhu veZimbabwe. Tinokutendai zvikuru nekuuya kwamaita kutsigira ichi chirongwa. Ndataura kuti izvi hazvisi zvekutanga tichazoita mamwe mademonstration makuru ayo achazoona kuti Mugabe neZanu Pf varova pasi. Ngiyabonga, Ndinotenda.”

Vaenderera mberi vakati veruzhinji vanofanirwa kuzvipirwa kuramba vachiratidzira nyika yose uye kubatana nevamwe kudzimara pave neshanduko inopa vanhu chekudya, mabasa, kupedza huwori, kumutsa makambani akavhara uye nekupedza hurombo.

Mai Khupe vati seMDC varikupokana nenyaya yemaBond Notes ari kuda kuparurwa nebhanga reRBZ, kushayikwa kwemari vevashandi vemuhurumende, kutsakatitswa kwemari yemangoda ekwaChiadzwa inoita $15 billion, uye nyaya yekuti makambani nemafekitari avhurwe vanhu vashande.

Vapedzisira nekutenda vauya vakawanda kuzoratidzira kunyangwe hazvo kuine chando change chichikwidza hamba mumuti.

VaDavid Tekeshe, mumwe wevamwe vange vari pakuratidzira kwanhasi uye vanoti mashoko avaTsvangirai ange akanaka sezvo ange ari ekutsigisa veruzhinji kuti vachitarisira shanduko munguva pfupi iri kutevera pasi pehurumende yavo yeMDC.

“Speech yapresident it’s a strong one, inotaridza kuti vision yavo iri pamberi kuti nyika ichinje, saka tirikutotarisira kuti sezvo ati mademonstrations ari on on kusvika Mugabe abva tinenge takatotarisira izvozvo.”

VaJames Mundenda mugari wemaMutare vauyawo kuzobatana nevamwe paratidziro yanhasi. VaMundenda vanoti ino yava nguva yekuti mhuri yeZimbabwe ibatane kuita chinhu chimwe chete kwete kupeta maoko pasina chavari kuita nekuomerwa kwavaitwa neraramo.

“Ndinofara nezvaitwa nevanhu veManicaland kwete kuchema vanhu vari kumba, asi nhasi vabuda in their thousands zvinoreva kuti munhu wese arwadziwa, it’s a clear sign that come 2018 panenge paine basa. Tiri kungoshingirira tiri muno muZimbabwe asi rwendo runo tava kuda kuti tisvike tava kucrossa Red Sea asi chikuru tinotenda vagari nekubuda in their thousands.”

MDC-demo-MUTARE
MDC-demo-MUTARE

Mumwe wevechidiki ange ari paratidziro yanhasi ndiMuzvare Chenai Mangezi abva kuChipinge. Muzvare Mangezi anoti ve chidiki vanotsigira ichi chiitiko sezvo vasina mabasa kunyangwe vaine fundo yepamusoro.

“Mashoko avaTsvangirai atipa hushingi kunyanya isu mayouth panyaya yehutongi huripo, kwekuti takapedza dzidzo mabasa hakuna tinoiteyi manje, kuita madegree kusina mari yacho. Saka tinoti Mugabe Must Go!”

Amai Nancy Nyamazi mugari wemumusha weDangamvura kuno kwaMutare. Amai Nyamazi vanoti vafadzwa nemashoko emutungamiriri wavo sezvo aparura kuti havazi kuzomira nenyaya yeratidziro idzi.

“Kana paita zvinhu zvakadai kuti senyika yedu yainda kumawere kuda takurudzirwa kuti tose tiite chinhu chimwe sezvo zvakaomera munhu wese kuanyangwe neasati azvarwa. Saka tinongoti kunavaTsvangirai go ahead nekuzotonga nyika ino nekuti vaMugabe vatadza. Kwemakore ose aya ari pachigaro vavakidzani vake vedzimwe nyika avakatosiya zvigaro vaita two terms iye anyanya kudii kuti atitambudze kudai?”

Mutevedzeri wavaTsvangirai amai Khupe vauya kuratidziro yanhasi nehumwe hutungamiriri hweMDC hunosanganisira VaMorgan Komichi, VaAbednigo Bhebhe, Amai Theresa Makone, amai Paurina Mpariwa, VaGiles Mutsekwa, Amai Lynnette Karenyi Kore, VaObert Gutu, VaDouglas Mwonzora, nevamwe masachigaro ebato iri kubva kumativi mana ose enyika.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG