Accessibility links

Breaking News

Muchuchusi Mukuru weNyika VaTomana Vanosungwa

Muchuchisi mukuru wenyika Va Johannes Tomana vachisvika padare reHarare Magistrates, (Feb. 2, 2016).
Muchuchisi mukuru wenyika Va Johannes Tomana vachisvika padare reHarare Magistrates, (Feb. 2, 2016).

Muchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, avo vakambomiswa basa nemisu weChina, vasungwa vachangobuda mudare redzimhosva umo manga muchinzwikwa imwe nyaya yavari kupomerwa,

Ukuwo vakasungwa muHarare mukuratidzira kwakaitika neMuvhuro neChitatu vamiswa pamberi pematare vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga.

VaTomana vasungwa nemapurisa eLaw and Order pavabuda mudare ramejasitereti umo manga muchinzwikwa nyaya yavo yekushandisa masimba avo zvisirizvo pakubuditsa vasungwa vanonzi vaironga zvekubhomba kupurazi remutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe reGushungo Dairies riri kuMazowe.

Gweta raVaTomana, Advocate Thabani Mpofu vaudza Studio 7 kuti VaTomana vaudzwa nemapurisa kuti vari kuda kupomerwa dzimwe mhosva dzavanonzi vakapara vachiri pabasa.

Mudare, mutongi wedare VaVakayi Chikwekwe, vageza mawoko avo saPirato panyaya iri kupomerwa VaTomana yekushandisa masimba avo zvisizvo iyi zvichitevera chikumbiro chakasvitswa kudare negweta raivo VaTomana iro raiti mawoko aVaChikwekwe akasviba kuti vatonge VaTomana panyaya yavari kupomerwa iyi.

VaChikwekwe vati vawona zvakakodzera kuti vageze mawoko panyaya iyi sezvakakumbirwa negweta raVaTomana vachiti vakambonzwa nyaya dzakawanda dzine chekuita naVaTomana.

Asi VaChikwekwe vati kutongwa kwaVaTomana kuchatanga musi wa20 mwedzi uno pamhosva yavari kupomerwa yekunzi vakashandisa masimba avo zvisiri pamutemo pakuburitsa kwavanonzi vakaita vakaita vasungwa vanonzi vaida kubhomba kupurazi kwaVaMugabe.

Zvichakadai, pane vasungwa makumi maviri nevana vakasungwa musi weChitatu kuMarimba nekuMufakose vachipomerwa mhosva yekukonzeresa mhirizhonga pakaramwiwa mabasa neveruzhinji munyika yose.

Vasungwa ava, avo vamiswa pamberi pematare edzimhosva kuMbare, vanzi vagodzoka kudare mangwana pachaturwa mutongo pachikumbiro chavasvitsa kudare chekuti vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Ukuwo, VaChikwekwe vaturawo mutongo wekuti vasungwa zana avo vakasungwa kuEpworth nekuMabvuku neMuvhuro vabhadhare zana remadhora pamunhu wegawega sechibatiso.

Vatiwo vana vechikoro vana vanga vari pakati pevasungwa ava vabudewo muhusungwa vasina chavabhadhara asi vati vagozodzoka kudare musi wa28 mwedzi uno apo pachaenderera nyaya iyi mberi mumatare.

Izvi zvatsinhirwa nerimwe remagweta ari kumiririra vasungwa ava, VaObey Shava, avo vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vasungwa vanzi nedare vabhadhare mari iyi, iyo inosvika pamadhora zviuru gumi kana yakabatanidzwa, hapana kwekuwana mari iyi pakatariswa huwandu hwevanhu ava pamwe nekuwoma kwakaita zvinhu munyika.

"Dare rakaona zvakakodzera kuti vasungwa vange vachitongwa vachibva kunze, nekudaro mutongo waro wanga wakamira wakadaizvi, right, pane four vanzi vari pasi pemakore gumi nemasere, vanzi ivavo vabude pasina mari yavabhadhariswa," VaShava vadaro.

Zvichakadai, mamwe mashoko ari kutenderera pamadandemutande anoti pane hurongwa hwekuratidzira kweveruzhinji neMugovera vachienda kuState House, kunyange hazvo pasina ari kuda kubuda pachena kuti hurongwa uhwu huchafamba sei uye huri kutungamirirwa nani.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG