Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti Havasi Kuzosiya Chigaro Ukuwo Vatsigiri Vavo Vachituka VaMnangagwa


Zimbabwean President Robert Mugabe looks on during Defense Force Day Commemorations in Harare, (file photo - 10 Aug. 2010)
Zimbabwean President Robert Mugabe looks on during Defense Force Day Commemorations in Harare, (file photo - 10 Aug. 2010)

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nhasi vati havasi kuzosiya chigaro chavo sezviri kutaurwa nevamwe vevakarwa muhondo yerusunguko vachiti vakadzika midzi pahutungamiri hwenyika.

Vachitaura pamusangano wavaita nevamwe vakarwa hondo yerusununguko vari muchikwata chesangano revakarwa muhondo reZimbabwe Liberation War Veterans Association chinotungamirwa naAmai Mandi Chimene waitirwa pamuzinda weZanu PF muHarare, VaMugabe vati havasi kuzosiya chigaro sezvo vachiti vakasikirwa hutongi uye veruzhinji vachiri kuvada.

VaMugabe vati vakarwa hondo yerusunuguko vari kuti vabve pachigaro vanhu vari kushanda nehurumende yeBritain, America pamwe neFrance kuti hurumende iripo ibviswe.

Vamwe vakarwa muhondo yerusununguko vari kuchikwata chinotungamirwa naVaChris Mutsvangwa, avo vakadzingwa muZanu PF, vakaburitsa mashoko svondo rapera achiti VaMugabe vavekufanira kusiya basa sezvo vakwegura uye vari kutadza kutungamira nyika zvakanaka.

Zvichakadaro, vamiriri vehurumende idzi vakaudza Studio 7 masvondo mashoma adarika kuti havanei nenyaya dzezvematongerwo enyika muZimbabwe vachiti chavanongotarisira kuhurumende kuremekedza kodzero dzevanhu pamwe nemitemo yenyika.

Amai Chimene vashandisawo musangano uyu kutsoropodza mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nekutungamira kwavanonzi vari kuita chipoka cheZanu PF chiri kuzvidaidza kuti Team Lacoste chinonzi chiri kugadzirira kutora matomhu kubva kuna VaMugabe kana vachinge vabva pachigaro.

Amai Chimene vati chinoshamisa ndechekuti VaMnangagwa havasi kuvhura muromo wavo pose parikutaurwa-taurwa nezvekuda kwavo kutora masimba kubva kuna VaMugabe.

VaMnangagwa, avo vanga varipowo pamusangano uyu havana kana kumboti bufu kudzamara musangano uye upere. Chimwe chipoka chinonzi chiri kukwikwidzana neTeam Lacoste chirikudaidzwa kuti Generation 40 kana kuti G40 uye chinonzi chinotungamirwa nemudzimai waVaMugabe, Amai Grace Mugabe.

Zvichakadai, VaMugabe vati sangano revakarwa muhondo rinofanira kuita sarudzo itsva kuti ritsvage humwe hutungamiri.

VaMugabe vatorawo mukana uyu zvakare kutsoropodza vedzisvondo vavati vari kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika vakatsoropodza mutungamiri weboka reHash Tag This Flag, VaEvan Mawarire zvepiri. Vati hurumende yavo haisi kuzopeta mawoko ichisiya veruzhinji vachiratidzira kusafara kwavo nehutongo hwavo.

Mashoko aVaMugabe aya anouya apo vechidiki vebato reMDC-T vakazivisa neMuvhuro kuti vacharatidzira zvakawomarara munyika yose mwedzi unouya kudzamara VaMugabe vabva pachigaro.

Zvichakadai, nhengo yeZanu PF, VaEnergy Mutodi vadzingwa pamusangano uyu nevechidiki veZanu PF vanga vachivapomera mhosva yekuti mutengesi. Vamwe vatori venhau vemapepa akazvimirira vanga vachishungurudzwawo nevechidiki veZanu PF.

Musangano uyu wapindwa nevaimbova varwi muhondo yerusunguko vashomanana nevatsigiri veZanu PF vane chitsama nyangwe hazvo musangano uyu wanga uchifanira kunge wapindwa nevaimbova varwi muhondo yerusunguko.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:09:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG