Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vodzokera kuMabasa Asi Mapurisa Osunga Vatori veNhau


Hurumende nhasi yadzinga munyika vatori venhau vaviri vekambani yekuBritain ye Sky News ichiti vanga vachishanda zviri kunze kwemutemo.

Nekune rumwe rutivi, veruzhinji vanoti kuramwa mabasa kwakashevedzerwa nemamwe masangano kunobudirira chete kana mapato ezvematongerwo enyika akapindira munyaya iyi.

Vatori venhau vaviri veSky News vanoti Garwen McLuckie na Alex Crawford vakasungwa paine imwe hotera nezuro manheru vakarariswa muhusungwa.

Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vaudza Studio 7 parunhare kuti vaviri ava vaendeswa kubazi rinoona nezvekupinda nekupinda kwevanhu munyika nhasi iro razovabuditsa munyika nechisimba. Vaviri ava vanonzi vaburitswa nepanhandare yendege yeHarare International Airport.

Amai Charamba vati vaviri ava vanga vasina mvumo yekutora nhau munyika sezvo vakapinda munyika sevashanyi vasina kubuda pachena kuti vatori venhau. Pamutemo, vatori venhau vekunze vanosungirwa kuti vave nemvumo kukomisheni inooona nezvekutorwa kwenhau yeZimbabwe Media Commission kuti vakwanise kutora nhau muZimbabwe.

Zvichakadairo, mumwe mutori wenhau dzemifananidzo yepachivhitivhiti wemuno muZimbabwe, Farai Mugano, uyo anoshanda akazvimirira asungwawo zvakare pane imwe hotera paawanikwa akatakura michina yake yekutoresa nhau. Pataenda pamhepo, tanga tisati taziva kuti Mugano apomerwa mhosva ipi. Mumwe mutori wenhau Philimon Bulawayo weReuters ambosungwawo apo atora mifananidzo yemapurisa achinetsana nevatsigiri veMDC-T muHarare.

Amai Charamba vati vatori venhau vekunze vanofanira kutevedzera mutemo kwete kuti vanhu vangoita madiro aJojina munyika vachisvibisa chimiro chenyika. Vamwe vatataura navo vari muchipurisa vanoti mapurisa anga achifungidzira kuti vaviri ava vakanga vauya kuzotora nhau dzekuramwa mabasa kuri kuitika munyika.

Zvichakadaro, vamwe vagari vemuHarare vataura neStudio 7 vakaita saVaMoshai Chinyani vanoti kuramwa mabasa kwemazuva maviri nhasi nanezuro kwakadaidzirwa nemasangano akaita se #thisflag hakuna kubudirira nepamusana pekuti vanhu vazhinji munyika havana mabasa acho vachiti ruzhinji rwevanhu rwavakurarama nekuzvishandira saka nokudaro mutsauko wacho hauoneki.

Mumwe mugari wemuHarare, VaStephen Manyenga vati chimwe chakakokonzera kuti kuramwa mabasa uku kusabudirire inyaya yekuti hurumende yakazopa vashandi vayo mari nekukasika.

VaLovemore Chitengu, avo vanogara mumusha weKuwadzana vanoti chavekudikanwa ndechekuti mapato anopikisa hurumende pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira ataure nezwi rimwechete kana pane hurongwa hwakadai kuitira kuti hurumende inzwe zvichemo zveveruzhinji.

Zvitoro zvizhinji pamwe nemakambani akawanda nemahofisi ose ehurumende anga akavhura mikova yawo kune veruzhinji nyangwe zvazvo ranga riri zuva rekupedzisira rekuramwa mabasa rakanga rashevedzerwa nemamwe mapoka asiri kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG