Mutungamiri weMDCT Va Morgan Tsvangirai, avo vasiri kunzwa zvakanaka, nemusi weChishanu vakadoma vamwe vatevedzeri vavo vaviri zvave kureva kuti vave nevatedzeri vatatu.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare, VaTsvangirai vadoma VaNelson Chamisa naVaElias Mudzuri kuve vatevedzeri vavo vachiti vakatarisana nebasa guru rekugadzirisa zviri kunetsa munyika pamberi pesarudzo dzemuna 2018.
Vaenderera mberi vachiti kudoma kwavaita VaChamisa naVaMudzuri sevatevedzeri vavo hakureve kuti Muzvare Thokozani Khupe havasisiri mutevedzeri wavo vachiti Muzvare Khupe munhu akasarudzwa neveruzhinji pakongiresi yebato ravo.
Vati vazivisa Muzvare Khupe nedanho ravatora vachiti nyaya iripo ndeyekuti zvirikuda kuitwa zvakawanda.
Danho ratorwa naVaTsvangirai iri rinotevera kurudziro yakaitwa nekomiti huru yebato ravo yeNational Council pamusangano wakaitirwa pamuzinda webato iri paHarvest House nezuro.
VaMudzuri vaudza Studio 7 kuti vachashanda zvakasimba pabasa ravapihwa naVaTsvangirai murwendo rwekuti munyika muve nehutongi hwejekerere.
VaTsvangirai vati sebato, vakawirirana kuti VaMugabe vave kufanira kusiya chigaro uye vakarega kuita izvi vachatarisana nekuratidza kwakakura kwazvo vachiti zvinhu zviri kuramba zvichiwoma munyika.
Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano rePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vaudza Studio 7 kuti zvaitwa naVaTsvangirai izvi zviri pamutemo webato ravo sezvo vachipihwa masimba nebumbiro remitemo yebato ravo kuti vagadze vanhu vavanoda mune zvimwe zvigaro zvavaowona zvakakosha.
VaMadhuku vaenderera mberi vachiti zvaitwa naVaTsvangirai izvi inzira yekufanogadzira kuti achatora matomu kana vachinge vazosiya hutungamiri hwebato asi vati zvinogona kukonzera mutauro mukati mebato iri zvakare.
Parizvino, VaTsvangirai havasi kunzwa zvakanaka uye varikugara vari kumadhokotera vachirapwa chirwere chegomarara rematumbu ravakabatwa vainaro kunyangwe hazvo vachiti vave kunzwa zviri nani.
Hatina kukwanisa kutaura naMuzvare Khupe kuti tinzwe pfungwa dzavo pamsoro pezvaitwa naVaTsvangirai izvi.
Mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute Dr Pedzisayi Ruhanya vatendawo kuti bumbiro remutemo webato rinobvumidza VaTsvangirai kudoma vamwe vatungamiri.