Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voita Chipatapara Chekutenga Zvekudya Apo Hupfumi Hwonanga kuMawere


Vanhu vanonzi vave kutenga chikafu chakawanda vachichengeta vachityira kuti mitengo yezvinhu ingangokwira
Vanhu vanonzi vave kutenga chikafu chakawanda vachichengeta vachityira kuti mitengo yezvinhu ingangokwira

Kushaikwa kuri kuitwa mari mumabhanga kunonzi kwavekukonzera kuti vanhu vazhinji vatenge chikafu nehuwandu vachityira kuti zvinhu zvichazotanga kushayikwa zvakare muzvitoro.

Vanhu vakawanda muHarare vatanga kutenga chikafu vachirongedza mudzimba vachiti kushayikwa kuri kuitwa mari mari mumabhanga kungangopedzisira kwaitawo kuti vezvitoro vatadze kuhodha zvinhu vachiisa mumasherufu.

Mumwe wevanhu vakadai ndiAmai Rosemary Chinyadza vanogara mumusha weMabelreign muno mu Harare avo vawanikwa neStudio 7 vatenga chikafu chakawanda vachinorongedza mumotokari yavo.

Amai Chinyadza vati vatenga zvinhu zvisingaore zvavanoshandisa zuva nezuva zvakaita sesipo, mafuta neshuga vachiti havachazive kuti zvinhu zvinofuma zvakaita sei mune remangwana.

"Isu takungotenga zvinhu mukuwasha, takungotenga. Izvozvi mukuona trolley yakazara iyi, takungotenga because ma bond notes acho hatizivi kuti achauya achitenga here," Amai Rosemary Chinyadza vanodaro.

Pamusana pekuhodha kwave kuita vamwe vatengi muzvitoro zvakawanda, vezvitoro vavekutara kuti mutengi wega-wega anofanirwa kutenga zvinhu zvakawanda zvakadii pamunhu.

Studio 7 yapinda mune chimwe chitoro chiri pakati peHarare ikataura nevamwe vashandi vemuchitoro ichi avo varamba kutaura pamhepo vati vakawona zvakakodzera kuti vazivise vatengi kuti vanofanira kutenga zvinhu zvishoma.

Vashandi vemuchitoro ichi vati kushayikwa kuri kuita mari mumabhanga kuri kukonzera kuti vashaye mari yekutenga mafuta ekudira mudzimotokari dzavo dzekuhodhesa zvinozoita kuti vapedzisire vasisina zvinhu zvekutengesa muzvitoro kunyangwe hazvo mafuta asati atanga kushayikwa mumagaraji.

Muzvare Linda Masirarambi, avo vanoshanda pane imwe kambani iri pakati pedhorobha vanotiwo vave kutadza kuita kana chinhu nekushayikwa kuri kuitwa mari mumabhanga vachiti nguva yakawanda iri kupera vari mumitsetse vachitsvaga mari yekuti vawane kuraramisa mhuri yavo.

"Dambudziko remari iri ratotishungurudza. Hatizivi kuti takudzokera 2008 here nekuti iye zvino manje toda kubhadhara ma rates, toda kubhadhara rent, vana vanoda kuenda kuchikoro, toda kutenga chikafu. Tochitenga sei kana mu bank uchipiwa $50.00?" Muzvare Masarirambi vanobvunza.

​VaGibson Zindove, avo vane kambani yavo inogadzira motokari muHarare, vanotiwo nekushayikwa kuri kuramba kuchiita mari kumabhanga havawone chikonzero chekuendesa mari kubhanga vachityira kuti vanozoishaya pavanenge voida.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vari mutungamiri wesangano reZimbabwe Economics Society, VaLovemore Kadenge, vaudza Studio 7 kuti kushayikwa kwemari mumabhanga kwave kukonzerawo kuti makambani mazhinji asanyatsoshanda zvakanaka zvavati zvingangoita kuti hupfumi hwenyika huende kumawere.

VaKadenge vakurudzira kuti hurumende iwumbe hwaro hunoita kuti veruzhinji vave nechivimbo nekuisa mari kumabhanga vachitiwo chimwe chinoda kugadzirwa inyaya dzekusamira zvakanaka kwezvematongerwo enyika.

Zvichakadai, vane ruzivo nezviri kuitika muhurumende vanoti mune kugedageda kwemeno panyaya yekuda kuwunzwa kwema bond notes nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe.

Zvinonzi vamwe vakuru-vakuru muhurumende pamwe nemubato riri kutonga reZanu PF vari kuda kuti gavhuna weRBZ, VaJohn Mangudya, vasendeke hurongwa hwekuwunza ma bond notes ayo asiri kudiwa neveruzhinji.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMangudya kuti tinzwe divi ravo panyaya.

Asi mazuva mashoma adarika, VaMangudya vakati ma bond notes aya achawunzwa munaGumiguru. Nekune rumwe rutivi, gurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vakaburitsa mashoko neMuvhuro ekuti hurumende ichiri kumbotsvaga ruzivo kubva kumasangano akaita seWorld Bank ne International Monetary Fund nezvema bond notes aya.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG