Accessibility links

Breaking News

Vanhu Votaura nezveMubatanidzwa weMapato ezveMatongerwo eNyika


Simba Makoni VaMawambo, Kusile, Dawn naVaDumiso Dabengwa ve ZAPU
Simba Makoni VaMawambo, Kusile, Dawn naVaDumiso Dabengwa ve ZAPU

Veruzhinji vanoti vanotambira kubatana kwakaita mapato mashanu anopikisa hurumende yeZanu PF nemusi weChipiri vachipa kurudziro yekuti mapato ose anopikisa anofanira kuita mushandirapamwe kuti akunde musarudzo dzinotevera.

Mapato mashanu anoti MDC yaMuzvinafundo Welshman Ncube, Renewal Democrats of Zimbabwe inotungamirwa naVaElton Mangoma, Mavambo Kusile Dawn inotungamirwa naVaSimba Makoni, Zunde pamwe neDare nezuro akauumba mubatanidzwa wekushandirapamwe pamberi pesarudzo dzemuna 2018 achiti anodawo kuti mamwe mapato anopikisa auye kuzoshanda nawo.

Zvichakadai, veruzhinji vakaita saVaSamuel Chuma vanoti chinhu chakanaka kuti mapato anopikisa ashande pamwechete vachiti yagara iri tarisiro yavo kuti mapato aya abatane.

Muzvare Laiza Mapepa vanove nhengo yeMDC-T vati mubatanidzwa wemapato anopikisa wakawumbwa hauna chaunoreva kana mutungamiri webato ravo VaMorgan Tsvangirai vasiri mumubatanidzwa uyu vachiti MDCT ndiyo ine vatsigiri vakawanda.

Asi mumwe mugari wemuHarare, VaDarlingon Madzonga, vati haisati yakwana nguva yekuti mapato anopikisa awumbe mubatanidzwa. VaMadzonga vati VaNcube, VaMangoma, VaMakoni nevamwe vavo vakamhanyira kumedza kutsenga kuchada.

VaKeith Charumbira vanoti kubatana kwakaita mapato mashanu aya kubatana kwevanhu varikutsvaga kuguta.

VaJames Chidhakwa vati kana vakatarisa mapato akapinda mumubatanidzwa uyu vanowona sekuti hapana zvakaitwa zvine musoro vachiti vazhinji vavo vaiva nhengo dzeMDCT saka nokudaro hazvina zvazvinoreva kana mapato akaita sePeople First inotungamirwa naAmai Joice Mujuru neMDCT asiri mukati memubatanidzwa uyu.

Zvichakadai, hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe divi rebato ravo panyaya yemubatanidzwa wemapato anopikisa uyu. Asi vamwe vatsigiri veZanu PF vakaita saVaFarai Bwana vanogara mumusha weMbare vanoti kunyange mapato anopikisa akabata zvemhando ipi haazofe akakunda mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nebato ravo musarudzo.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vati pachine mukana wekuti mapato akaita seMDCT ne People First apinde muchibvumirano chemushandirapamwe.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, Dr Pedzisai Ruhanya vati kana VaTsvangirai naAmai Mujuru vakasapinda mumubatanidzwa wemapato anopikisa pamberi pesarudzo dzemuna 2018 zvinopa mukana wakakura kwazvo wekupatsanurwa kwemavhoti avanopikisa hurumende yeZanu PF.

Zvichakadaro, MDC-T inoti ichiri kuzeya nyaya iyi ukuwo People First ichiti haina kukokwa kumubatanidzwa uyu nemapato akawumba mubatanidzwa uyu.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:10:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG