Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yozadza Mapurisa Mumigwagwa neKuda Kumisa Kuratidzira


Gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaIgnatius Chombo vanoti mapurisa achange akadirwa munyika yose neChitatu apo pakatarisirwa kuti veruzhinji vacharamwa mabasa zvakare sezviri kukurudzirwa nemamwe mapoka.

Zvichakadaro, mapurisa neChipiri akasunga Mufundisi Evan Mawarire, avo vanove mumwe wevari kukurudzira veruzhinji kuti vasaende kumabasa nemusi weChitatu.

Vachitaura nevatori venhau muHarare nemusi weChipiri, VaChombo vati mapurisa achange akagadzirira zvakakwana kuchengetedza runyararo munyika pahurongwa hwemazuva maviri hwekusaenda kumabasa huri kurongwa nemamwe masangano.

VaChombo vati kunyange hazvo zvizvarwa zveZimbabwe zvine nhuna dzazvo nehurumende, pane nzira dziri pamutemo dzazvinofanira kutevedzera vachiti mapurisa achasunga vese vachakonzera mhirizhonga pakuramwa mabasa uku.

VaChombo, avo vanga vakatsigirwa negurukota rinowona nezvekudzivirirwa kwenyika, VaSydney Sekeramayi pamwe negurukota rinowona nezvevasori, VaKembo Mohadi, vati hurumende haisi kuzopinza mauto mumigwagwa vachiti mapurisa ari munyika akakwana kuti achengetedze runyararo.

Vachipindura mubvunzo wekuti sei mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nehurumende yavo vasiri kutevedzera zviri kutaurwa neveruzhinji zvekuti vabve pachigaro, VaChombo vati VaMugabe havana kwavari kuenda sezvo vachiti vakapihwa masimba ekutungamira nyika neveruzhinji musarudzo dzemuna 2013.

VaChombo vanoti kuramwa mabasa kuri kuda kuitwa kubva musi weChitatu kuri kurongwa nehurumende dzekunze idzo dziri kuda kuti hurumende yaVaMugabe ibve pachigaro kunyange hazvo hurumende dzekunze idzi dzichiti hadzineyi nehurongwa uhwu.

Zvichakadai, gweta riri kumirira Mufundisi Mawarire, VaHarrison Nkomo vaudza Studio 7 parunhare manheru ano vari kukamba yemapurisa yeHarare Central Police Station kuti VaMawarire vari kupomerwa mhosva yekukurudzira kuti munyika musagadzikanane.

Tichiri panyaya iyi, sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu re Zimbabwe Lawyers for Human Rights raburista mashoko ekuti riri kushushikana zvikuru nekusungwa kuri kuitwa vanhu vari kuronga nyaya yekuramwa mabasa mangwana.

Mumwe mushandi wehurumende uyo aramba kudomwa nezita anoti vatowirirana nevamwe vavo kuti havasi kuzoenda kumabasa kwemazuva maviri ari kutevera zvisinei nekurudziro yaVaChombo yekuti vanhu vasateerere kurudziro yekurambwa mabasa iyi.

Svondo rapera vashandi vazhinji munyika vakateerera kurudziro yekusaenda kumabasa iyi, danho rinonzi nevamwe ndiro riri kutyiwa zvakare nehurumende kuti vanhu vachatora pamazuva maviri ari kukurudzirwa kuti vanhu vasaenda kumabasa aya.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG