Accessibility links

Breaking News

Mabhanga Mazhinji Anotadza Kupa Rand neYuan seZvanga Zvavimbiswa


Vanhu vakamirira panze pebhanga kuti vaedze kutora mari dzavo. (Mufananidzo: Patricia Mudadigwa)
Vanhu vakamirira panze pebhanga kuti vaedze kutora mari dzavo. (Mufananidzo: Patricia Mudadigwa)

Mabhanga mazhinji munyika nemusi weMuvhuro akatanga kupa veruzhinji mari yekuSouth Africa anove maRand pamwe nema Yuan ekuChina asi izvi hazvina kupedza dambudziko rekushayikwa kwemari.

Mumwe wevanhu vanga vari mumitsetse yekutsvaga mari mumabhanga ndiVaSimon Mugwagwa avo vanoti vaswera vari mumutsetse pabhanga vachitsvaga kuti vatore mari.

VaMugwagwa vati mari yemhando yemaRands nemaYuan yakaziviswa nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, kana kuti RBZ kuti ichatanga kuwanikwa mumabhanga nhasi yaswera isiri kuwanikwa pamichina inoburitsa mari kana kuti maATM.

“Haah, zvinhu zvacho hazvina kana order, hazvina kurongeka because tabvira kuseni takamirira pano, kubva kuma 9 up to now tiri kungonzi maRand acho hakuna kana iyo Yuan yacho iri kutaurwa iri kungonzi hakuna. Saka kubva kuseni tichakamirira pano apa,” VaMugwagwa vadaro.

Izvi zvatsinhirwa naAmai Tecla Zinyowera avo vatiwo vaswera vakagarira guyo sembwa vari pamutsetse pabhanga mudhorobha.

Amai Zinyowera vati vashaya mari pamadziro ebhanga pa automated teller machine kana kuti ATM vakapinda mukati mebhanga asi havana chavawana.

Vaenderera mberi vachiti mari yemhando yema pounds eku Britain, maPula ekuBotswana nedzimwe nyika imari inozovanetsa kushandisa kana vachinge vaipihwa kubhanga sezviri kutaurwa neRBZ.

Mumwe muagari wemuHarare, VaGarikai Murendo avo vakwanisa kuwana maRands nemaYuan kubhanga kwavo vati vezviotoro zvizhinji vari kuramba maRands nemaYuan aya zvavanoti zvabva zvaita kuti vasazive kuti vodii.

Vashandi vemubhanga vatataura navo avo vasina kuda kutaura pamhepo vati vatadza kupa vanhu maRands nemaYuan aya sezvo anga ari mashoma.

Vamwe vashandi vemamwe mabhanga vatiwo chimwe change chichivanetsa ndechekuti vanga vasiri kuziva kuti mari idzi vanodzichinja sei sezvo vanga vasina kupihwa huremu hwemaRands nemaYuan uye vatiwo mari yavawana nhasi kubva kuRBZ yanga irishoma zvekuti yanga isingakwane kupa vanhu vese vanga vachida kutora mari yavo kubhanga kunyangwe dai vawana ma exchange rates acho paine nguva.

Vashandi vemubhanga ava vati vati vakapiwa mutemo nevakuru vavo wekuti vape veruzhinji mari isingadarike madhora mazana matatu pamunhu musi umwechete sezvo dambudziko rekushayikwa kwemari risati ragadziriswa.

Gavhuna weRBZ, VaJohn Mangudya, vakazivisa kuti veruzhinji vachakwanisa kutora maRands nemaYuan mumabhanga asi kutenderera kwaita Studio 7 mumabhanga akawanda mu Harare kwaburitsa pachena kuti mari iyi yanga isiri kuwanikwa nyore mumabhanga.

VaMangudya vanga vati tizovabata panharembozha yavo asi hatina kuzokwanisa kutaura navo pataenda pamhepo.

Zvichakadaro, VaMangudya vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti mabhanga anofanira kuwanisa veruzhinji mari dzekune dzimwe nyika dzakawanda senzira yekuedza kupedza dambudziko rekushayikwa kuri kuitwa mari mumabhanga mazhinji munyika yose.

Dambudziko rekushayikwa kwemari mumabhanga rakatanga pakaziviswa neRBZ kuti hurumende yave kuzounza mari yepepa iri kudadzwa kuti ma bond notes ayo ari kurambwa neveruzhinji vachiti hurumende iri kuda kudzosa mari yemuZimbabwe nerweseri.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG