Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton, vanoti kuti pave nehukama hwakanaka pakati peZimbabwe neAmerica, zvakakosha kuti America iremekedze pamwe nekunzwisisa tsika nemagariro evanhu vemuZimbabwe.
Kunze kwekukwanisa kuriritira mhuri kana munhu achishanda anotarisira kuve nemba yakewo yaanogara nemhuri yake.
Vagari vanoti panogona kuve nenguva yakareba mabasa ekanzuru asingafambe zvakanaka kana MDC-T ikadzinga makanzura gumi nameya mutsva, VaHamutendi Kombayi.
VaHungwe vakakurudzira hurumende kuti ishande pamwe chete nevemakambani anoshanda akazvimirira ega kuitira kuti ikwanise kubatsira varimi vane minda midiki.
Matorerwo nemaburitsirwo enhau anonzi adzikira zvikuru kubva muna 2000 kusvika pari zvino kana zvichienzaniswa nezvaiitika mumakore ari kumashure kwa 2000.
VaTsvangirai vanoti VaMugabe vakwegura zvekuti havangakwanise kuramba vachitungamira nyika.
Chimwe chizvarwa chemuZimbabwe chinorarama nehurema uye chichiita zvidzidzo zvepamusoro kuAmerica chinoti vanhu vanorarama nehurema havafanirwe kuzvitarisira pasi.
Guta reGweru rakatarisana nedambudziko guru rekushaya mvura nekuda kwekuti dhamu guru rinowanisa guta iri mvura, rave kupwa.
Rimwe remasangano anoshanda akazvimirira rinoti riri kushanda nekanzuru yeguta reGweru muzvirongwa zvekubatsira vana vari kurarama neHIV/AIDS
Amnesty International - Zimbabwe inoti mamwe masangano anga achitsigira kubviswa kwemutongo werufu, ava kutsigira gwaro rebumbiro idzva rine mutongo werufu.
Vamwe vagari vemuGweru vanoti dai zuva rekuita referendamu raendeswa mberi kuitira kuti vanhu vawane mukana wakakwana wekunyatsoongorora zviri mugwaro rebumbiro idzva vasati vapinda mureferendamu.
Mutungamiri weMDC duku, VaWelshman Ncube, vanoti bato ravo rakagadzirira kupinda musarudzo pasi pebumbiro remitemo yenyika riripo pari zvino kana pakaita kusawirirana pabumbiro riri kunyorwa.
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vakazvipira kusiya hutungamiri hweMDC kana bato ravo rikakundwa musarudzo.
Vagari vekuShurugwi vakachererwa zvibhorani pamagadheni avo nemari yakabva kumuzinda weNetherlands muZimbabwe.
India neRussia dzinotadza kuenda kuZITF nepamusana pemitemo yezvehupfumi muZimbabwe yadzisingafarire
Zimbabwe inofanirwa kuva nemitemo inochengetedza vakwegura
Vamwe vanoti chirongwa ichi chiri kudzinga vanoda kusima mari dzavo munyika
Vashandi vanoti havana kufara nekusauya kumusangano kwegurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga
VaNcube vakati bato ravo richaita zvose zvarinogona kuti sarudzo dzisaitwa munyika pasati pava nehwaro hwesarudzo
Mapurisa anonzi ari kuita rusarura pakusunga vanoita zvemhirizhonga
Rodhai zvimwe