Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Yoramba Ichienderera Mberi muZimbabwe


Nyaya yemhirizhonga inonzi iri kuramba ichienderera mberi munzvimbo dzakawanda dzenyika. KuMidlands, nhengo yeMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaMaxwell Ncube, vakawanikwa vakapondwa kuZhombe nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF svondo rapera.

Munzvimbo dzakawanda dzenyika munonzi mune mauto ayo anonzi ari kupfuvisa vanhu mumisha. Asi gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti mauto aya ari kuchengetedza runyararo.

KuBulawayo neChitatu bato reMDC rinoti kanzura waro, Amai Monica Luvimbi, vekuWard 19 Magwegwe, vakasungwa vakatotchwa vari mumaoko emapurisa vachipomerwa mhosva yekuti vainge vauraya mumwe gadhi.

Sangano rinoongorora nyaya dzekutochwa kwevanhu kuchamhembe kweAfrica reSouth Africa No Torture Consortium rakanyorawo tsamba kuhurumende yeZimbabwe richiti harisi kufara nenyaya yekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kuramba vakaisa zvimiti munzeve vasingataure nyaya yekutochwa kwevanhu munyika, zvikuru vasingwawirirana nebato reZanu-PF.

Sangano iri rinoti nyaya yekutyisidzirwa nekusungwa zvisina mwero, iri kuenderera mberi. Sangano iri rinoti SADC haifanire kusiya Zimbabwe ichienda kumawere. NeChitatu masangano akazvimirira oga ari pasi peNANGO akabudawo nechisungo chekuti munyika muve nerunyararo, panofanirwa kuvandudzwa kushanda kwemauto nemapurisa kana kuti security sector reform, iyo iri kurambwa neZanu-PF.

Mhirizhonga inonziwo iri kuramba ichienderera mberi munzvimbo yeMashonaland West Province. VaWilson Makanyaira vanoona nezvekurongwa kwemabasa muMDC muMashonaland West vanoti munzvimbo yavo maberekera ingwe.

Asi VaAlexio Chipunza, mutevedzeri wemukuru wekomiti yekurongwa kwemabasa muZanu-PF, vanoti hakuna mhirizhonga.

XS
SM
MD
LG