Accessibility links

Breaking News

VaHungwe Vanoti Nyika Ngaidzokere paHuhurudza Hwayo muSADC


Mutungamiri werimwe remasangano anomiririra varimi vane minda midiki vanoti hurumende inofanirwa kushanda nevemakambani akazvimirira mukubatsira varimi vane minda midiki kuitira kuti Zimbabwe idzokere kuve nyika inorima chikafu chakawanda mudunhu rekuchamhembe kweAfrica.

Vachitaura pakuvhurwa kwemusangano wepagore weZimbabwe Farmers Union, ZFU, muGweru neChitatu, mutungamiri wesangano iri, VaSilas Hungwe, vakati chinhu chinorwadza kuti Zimbabwe yave kutenga chikafu kubva kune dzimwe nyika iyo yaimbove nyika ine mukurumbira munyaya dzekurima.

VaHungwe vakati chimwe chezvikonzero zviri kuita kuti nyaya dzekurima dzidzikire, inyaya yekusanaya zvakanaka kwemvura pamwe nekuchinja kuri kuita mamiriro ekunze pasi rose.

VaHungwe vakakurudzira hurumende kuti ishande pamwe chete nevemakambani anoshanda akazvimirira ega kuitira kuti ikwanise kubatsira varimi vane minda midiki.

Vakatiwo varimi ava ndivo vanonyanyoomerwa nedambudziko rekusanaya zvakanaka kwemvura.

VaHungwe vakati kusarudzwa kwevatevedzeri vaviri vegurukota rezvekurima kunoratidza kuti hurumende itsva inokoshesa zvekurima.

VaHungwe vakarumbidzawo hurumende nenyaya yerutsigiro rwainopa kuvarimi rwembeu nezvimwe zvinodiwa pakurima.

Asi vakati vanotarisira kuti hurumende itsva ichaita chirongwa ichi nenzira iri nani vachiti hazvinyanyobatsira kungopa munhu wese wese nevamwe vasingarime mbeu yekurimisa.

VaHungwe vakatsoropodza varimi vatsva nenyaya yekupisa masango pamwe nekutema miti vakakurudzira humende kuti itare mitemo yakasimba senzira yekuedza kudzivirira izvi.

Varimi vakawanda vaive pamusangano uyu vakabvumirana nemashoko akataurwa navahungwe.

Mumwe murimi uyo akangozvidoma nezita rekuti VaShoko wekumatenganyika ekuChemagora kuGokwe akati ane tarisiro yekuti hurumende itsva ichakwidza mitengo yezvirimwa zvakaita sechibage kuitira kuti nyika igowana chikafu chakakwana.

Sangano reZFU ndiro sangano guru rinobatanidza varimi vechitema munyika.

Vatevedzeri vaviri vegurukota rezvekurima, VaDavis Marapira naVaPaddy Zhanda, ndevamwe vakuru vakuru vehurumende vaive pakuvhurwa kwemusangano uyu.

Musangano uyu, uyo uri kuitwa pasi pedingindira rinoti “Coping With Drought and Climate Change for Sustainable Agricultural Practice” wapera neChina.
XS
SM
MD
LG