Accessibility links

Breaking News

Huori, Matongerwo eNyika Zvodzikisira Maburitsirwo eNhau


ZBC
ZBC
Matorerwo nemaburitsirwo enhau anonzi adzikira zvikuru kubva muna 2000 kusvika pari zvino kana zvichienzaniswa nezvaiitika mumakore ari kumashure kwa 2000.

Izvi zviri mugwaro raburitswa nesangano re Voluntary Media Council of Zimbabwe, VMCZ.

Gwaro iri, iro rakaparurwa neMuvhuro muGweru, rinoti hunyanzvi hwekutora nhau munyika hwadzikira zvikuru, uye vatapi venhau, vangave venhepfenyuro kana vemapepanhau, vanoratidza divi ravakarerekera mumabasa avo vasingaite mabasa avo nemazvo.

Gwaro iri rinotiwo izvi zviri kuitwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana, zvinosanganisira kupindira kunoita vezvematongerwo enyika munyaya dzekuburitswa kwenhau, kusabhadharwa zvakanaka kwevatori venhau, pamwe nekushaya muenzaniso wakanaka wekutevedzera kune avo vachiri kutanga kuita basa rekutora nhau.

Gwaro iri rinoburitsa pachena kuti kudzikira kwemabasa ekutora nhau kwakatanga muna 2000, apo hurumende yeZanu PF yakadoma Va Jonathan Moyo segurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko.

Apa ndipo panzonzi pakatanga kuona dare remakurukota richiburitsa hukasha hwaro kuvatori venhau vanoshandira makambani akazvimirira, ukuwo vezvematongerwo enyika, vachishandisa masimba avo mukuudza vatori venhau vari pasi pemakambani ehurumende zvekuburitsa.

Sachigaro wekomiti yeVMCZ inoona nezvekutevedzwa kwemirawu mukutorwa kwenhau, VaTapfuma Machakaire, vanoti komiti yavo yakaitawo ongororo yemapepanhau mashanu anoti Zimbabwe Independent, The Herald, NewsDay, Southern Eye pamwe ne Sunday Mail panguva yesarudzo.

VaMachakaire vanoti vanobvumiranawo nemaonero ekuti vatori venhau havasi kuita mabasa avo nemazvo.

Gwaro iri rinotiwo kusashanda zvakanaka kwevatapi venhau kwakatanga mugore ra2000 mushure mekunge vanhu vakawanda munyika varatidza kuti vaive vave kutsigira bato reMDC izvo zvakapa kuti hurumende yeZanu PF idzike mitemo yaikanganisa mabasa ezvekutapwa kwenhau.

Gwaro iri rinotiwo vatori venhau vakawanda vanoita mabasa avo vachitarisira kupiwa chiokomuhomwe izvo zvinoitawo kuti vatadze kuita mabasa avo nemazvo.

Semuenzaniso, vamwe vashandi veZTV vasina kuda kudomwa nemazita avo vakati vanopiwa mari nevamwe vanhu vavanenge vaburitsa paterevhizheni.

Gwaro reVMCZ iri rinoti kunyange hazvo mapepanhau epadandemutande nenhepfenyuro dzakadai se SW Radio Africa, Studio7 ne Radio Voice of the People zvichibatsirawo kuti vanhu munyika vanzwe nyaya dzakasiyana-siyana, vamwe vanoona mamwe emapepanhau epa dandemutande aya nedzimwe dzenhepfenyuro idzi sedzakarerekera kudivi rekungoshora hurumende, pamwe nekuda kubvisa hurumende pachigaro, izvi zvichiitwa nechinangwa chekuda kufadza vanodzipa mari, pane kuti dzinyatsoburitsa zvinhu zvinokurudzira hutongi hwejechetere.

Gwaro iri rinotiwo vatori venhau vari kushanda vari kunze kwenyika, vari kubatsirawo mukudzikirisa kwematorerwo enhau, vamwe vacho vachikurudzira kuburitswa kwenyaya dzinokonzera kusagadzikana munyika.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muVMCZ, VaLoughty Dube, vanoti sangano ravo rakaita kuti paitwe ongororo yezvemashandiro evatori venhau mushure mekunge vaona kuti vatapi venhau havazi kuita mabasa avo nemazvo.

VaDube vanotiwo zvakabuda mugwaro ravo zvichavabatsira zvikuru mukugadzira zvirongwa zvekudzidzisa vatori venhau kuitira kuti vagokwanisa kuita mabasa avo zvakanaka sezvinotarisirwa neveruzhinji.

Mumwe mutori wenhau asina kuda kudomwa nezita anoti kunyange vatapi venhau vakadzidziswa kuita basa ravo nemazvo, havazokwanisa kuita basa ravo zvakanaka sezvinotarisirwa neveruzhinji kana vakuru vakuru vemapepanhau nenhepfenyuro dzavanoshandira vachivaudza kuti vanofanirwa kurerekera kudivi ripi mubasa ravo.

Gwaro iri rakanyorwa muna Chikunguru mushure meongororo yekushanda kunoita vatori venhau yakaitwa neakamboita mutori wenhau muZimbabwe, weZimbabwe Mirror neDaily News, Doctor Wallace Chuma, avo vave mudzidzisi wezvenhau paUniveristy of Cape Town mu South Africa.

VaChuma vane vachitupa chepamusoro soro PhD munyaya dzekutora nhau chavakapihwa mushure mekubudirira muzvidzidzo zvavo pa University of Witwatersrand, South Africa.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG