Accessibility links

Breaking News

Maburutse Okurudzira Vanorarama neHurema Kuzviitira Zvinhu Zvavo


Chimwe chizvarwa chemuZimbabwe chinorarama nehurema uye chichiita zvidzidzo zvepamusoro kuAmerica chinoti vanhu vanorarama nehurema havafanirwe kuzvitarisira pasi.

Energy Maburutse anoti vanhu vakaita saivo havafanirwe kugarira maoko avo, asi kutsvaga nzira dzekuzviriritira muhupenyu.

Maburutse murume wechidiki ane makore makumi maviri nemana ekuberekwa. Murume uyu akazvarwa aine chirwere chinoziikanwa muchirungu kunzi osteogenesis imperfect kana kuti brittle bone disease.

Chirwere ichi chinoita kuti mabhonzo emunhu asasimbe uye asanyatsokura zvakanaka.

Maburutse anoti ndewechitatu mumhuri ine vana vanomwe uye anoti paakazvarwa pakave nekunangana huroyi mumhuri nekuda kwekuti aive azvarwa akaremara.

Maburutse anoshandisa wheelchair, uye munhu asinganyare zvaari, uye anofarira kuzvirova dundundu pane zvinhu zvaanogona.

Maburutse akakura achigona chikoro zvikuru izvo zvakazomuwanisa mukana wekupinda muchirongwa cheUnited States Achievers Program mugore ra 2010.

Chirongwa ichi chinobatsira vadzidzi vanobva kumhuri dzinotambura vakabuda zvakanaka pazvidzidzo zvavo zve A Level kuti vawane mukana wekunodzidza kuzvikoro zvepamusoro zvemuAmerica.

Paaiita zvidzidzo zvake paKing Geoge VI kuBulawayo Maburutse aivewo nhengo yechikwata chevaimbi vechidiki vanorarama nehurema cheLiyana Band.

Chikwata ichi chakaita mukurumbira pasi rose mushure mekunge firimu rehupenyu hwedzimwe nhengo dzechikwata idzi rahwina mubairo weOscar.

Maburutse ane nhoroondo yakareba yemabatirwo aanoitwa nevanhu vakasiyana-siyana nekuda kwekuremara kwake asi anoti iye anongozvionawo sevamwe vanhu vasina kuremara.

Maburutse, uyo ari kuita Bachelor of Arts muzvidzidzo zveMedia, Politics and International Business paLynn University ku Florida anoti maonero anoita veruzhinji hurema nderimwe rematambudziko akatarisana nevanhu vakaremara munyika.

Asi anoti nyaya yekuti vanhu vanorarama nehurema vanozvitarisirawo pasi, uye kazhinji kazhinji vachida kurarama nekupemha, nderimwe dambudzikowo pachezvaro rinofanirwa kugadziriswa, kana kubviswa muvanhu ava.

Kunyange hazvo vamwe vanorarama nehurema vachiti bumbiro remitemo yenyika idzva haritaure zvakakwana pamusoro pekodzero dzavo, Maburutse ane maonero akasiyana.

Maburutse anoti kugara kwake kuAmerica kwamudzidzisa kuti munhu wese anogona kuve nemukana wekuita zvose zvaanoda zvisinei kuti akaremara here kana kuti kwete. Anoti izvi zviri kumubatsirawo kuti ave munhu anogona kuburitsa pfungwa dzake pachena pasina kutya.

Murume wechidiki uyu anotiwo maonerwo anoitwa vanhu vanorarama nehurema kuAmerica akasiyana zvikuru nemaonerwo avanoita muZimbabwe kana mune dzimwe nyika dzichiri kubudirira.

Asi anotizve vanhu vemuZimbabwe vari kuratidza kuti vave kuchinjawo maonero avanoita vanhu vanorarama nehurema.

MuZimbabwe mune vanhu vanopfuura miriyoni imwe chete nemazana mana ezviuru vanorarama nehurema.

Rimwe gwaro rakaburitswa nesangano reSwedish International Development Agency, kana kuti SIDA, rinoti kunyange hazvo Zimbabwe yaive imwe yedzimwe nyika muAfrica dzaive pamberi pakukoshesa kodzero dzevanorarama nehurema, kuondomoka kwehupfumi munguva iyo Zanu PF yaitonga yega muhurumende, kwakadzorera budiriro iyi kumashure.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG