Accessibility links

Breaking News

Vamwe muGweru Voudza VaMatinenga Kuti Nguva yeKuzeya Gwaro reBumbiro Ishoma


Palestinians sit on the remains of their destroyed homes after returning to Beit Hanoun, which witnesses said was heavily hit by Israeli shelling and air strikes during the Israeli offensive, in the northern Gaza Strip, Aug. 5, 2014. 
Palestinians sit on the remains of their destroyed homes after returning to Beit Hanoun, which witnesses said was heavily hit by Israeli shelling and air strikes during the Israeli offensive, in the northern Gaza Strip, Aug. 5, 2014. 
Vamwe vagari vemuGweru vanoti dai zuva rekuita referendamu raendeswa mberi kuitira kuti vanhu vawane mukana wakakwana wekunyatsoongorora zviri mugwaro rebumbiro idzva vasati vapinda mureferendamu.

Izvi zvabuda pamusangano waitwa muGweru neChishanu pakati pevagari vemuguta iri negurukota rezvemabasa ebumbiro, VaEric Matinenga, wekukurudzira veruzhinji kuti vatambire bumbiro remitemo yenyika idzva pachaitwa referendamu.

Vachipawo pfungwa dzavo pamusangano uyu, mumwe Mugari wemuGweru, VaTrainos Makumbe, vanovewo kanzura wemu Ward 14, vati zuva referendamu rinofanirwa kuendeswa mberi nekuti nguva yakatarwa kuti vanhu vazeye bumbiro richavhoterwa pareferendamu ishoma.

VaMakumbe vati kuita izvi kunopawo mukana kuhurumende pamwe neCopac kuti vanyatsowana nguva yakafanira yekushambadza kuvanhu zviri mubumbiro idzva iri.

Vanhu vakawanda vange vari pamusangano uyu varatidza kutsigira maonero aya.

Mukuru mukuru wemadzishe mudunhu reMidlands, Ishe Malisa, vatiwo vanhu vakawanda, kunyanya vagari vekumaruwa, kusanganisira ivo madzishe, havasati vaona gwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika richavhoterwa pareferendamu.

Vatiwo hurumende inofanirwa kuona zvaingaite kuitira kuti vanhu vaone gwaro iri nekukurumidza.

VaMatinenga vati bazi ravo pamwe neCopac vari kufamba munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika vachishambadza bumbiro idzva iri vakatiwo vachaita zvose zvavanogona kuti magwaro ebumbiro iri asvike munzvimbo dzakawanda munyika mumazuva mashoma asara kuti referendamu iitwe.

Asi VaMatinenga vati zuva rereferendamu harizi kuzochinja.

Mumwewo mugari uyo asina kuda kudomwa nezita ati kunyange hazvo kodzero dzevanhu dzichifanirwa kuremekedzwa, hurumende inofanirwa kupiwa masimba ekuti iise mutemo panyaya dzakadai sekuti vanhu voteerera kunhepfenyuro dzipi.

Asi VaMatinenga vati ikodzero yevanhu vose yekuti vateerrere nhepfenyuro dzavanoda kana kuverenga mapepanhau avanoda. Vatiwo hurumende haifanirwe kutora veruzhinji sevana vadiki vasingazive zvakavanakira.

Vachipundirawo mubvunzo wekuti madzishe anofanirwa kukurudzira kutambirwa kwebumbiro idzva iri here kana kuti kwete, VaMatinenga vati madzishe anofanirwa kuita zvose zvaanogona kuzivisa vanhu nezviri mubumbiro idzva iri pamwe nekukurudzira vanhu kuti varitambire.

Vatiwo vanhu vanofanirwa kutambira bumbiro idzva iri nekuti rakanaka zvikuru kana richienzaniswa neriripo pari zvino.

Asi VaMatinenga vati madzishe neveruzhinji vanofanirwa kupawo mukana wekuti avo vari kuti bumbiro iri risatambirwa, kuti vataurewo pfungwa dzavo.

Bazi rezvemabasa ebumbiro pamwe neCopac vari kuita misangano munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika senzira yekuzivisa veruzhinji nezviri mumbiro idzva remitemo yenyika, uye kuvakurudzira kuti varivhotere.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG