Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Vachakunda VaMugabe Zvine Mutsindo


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai
Kunyange hazvo bato ravo richigarochema chema nenyaya yekuti rinogona kubiridzirwa musarudzo dzichaitwa pakupera kwemwedzi mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vane tarirsio yekukunda musarudzo idzi.

Vachitaura kumhomho yevatsigiri vavo paMaboleni Township kuLower Gweru neChina masikati, VaTsvangirai vanoti vane tarisiro yekuti vachakunda musarudzo dzinotevera zvisinei kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nebato ravo reZanu PF, vanoda kubiridzira musarudzo idzi.

VaTsvangirai vanoti kune vanhu vakawanda vari mumapazi ehurumende, kusanganisira mumwe munhu anoziikanwa achinzi Baba Jukwa pafacebook vari kuvaudza nezvekuda kubiridzira uku. Asi vanopika kuti rwendo runo havazi kuzorega izvi zvichiitika.

VaTsvangirai vanoti kana vakasarudzwa kutungamira nyika, ivo nebato ravo vachave nehutungamiriri hunoteerera zvido zvevanhu pamwe chete nekuita kuti vanhu vave nehupenyu hwakanaka.

VaTsvangirai vayambira vatsigiri vavo kuti kuvhotera bato Zanu PF kunodzorera nyika mumatambudziko ayakambotarisana nayo, vachiti bato raVaMugabe harisisina chitsva charingakwanisa kuunza muhutongi hwaro sezvo rakaendesa nyika kumawere mushure mekutonga kwamakore anopfuura makumi matatu.

VaTsvangirai vadzokorora mashoko avo ekuti VaMugabe vakwegura zvekuti havangakwanise kuramba vachitungamira nyika.

Vanoti VaMugabe havana chekutya kana vachida kuenda pamudya ndigere sezvo pasina munhu achavabvunzurudza zvisinei nekutyora kodzero dzevana vemuZimbabwe kwavati vakaita.

VaTsvangirai vanotiwo bato ravo rinoziva basa guru rakaitwa nevakarwira rusununguko rwenyika, vakatsidza kuti kana vakasarudzwa, hurumende yavo icharamba ichivapa mari yemudyandigere kuitira kuti vasaomerwe nehupenyu.

VaTsvangirai, avo vari kutsvaga rutsigiro mudunhu reMidlands, vakurudzira vatsigiri vavo kuti vavhotere VaEzra Sibanda avo vakasarudzwa nebato kuve mumiriri weVungu muparamende pamwe nevakasarudzwa kukwikwidza pahukanzura
XS
SM
MD
LG