Accessibility links

Breaking News

VaWelshman Ncube Vanoramba Mashoko Ekuzvidza VaTsvangirai


Mutungamiri werimwe bato reMDC VaWelshman Ncube vanonzi vakati mutungamiriri wehurumende VaMorgan Tsvangirai havana kudzidza uye havakwanisi kuburitsa Zimbabwe mumatope ayakaiswa neZANU-PF.

Bepanhau reNewsday rati VaNcube vakataura mashoko aya kumusangano wavakaita nevatsigiri vavo ku Redcliff, kuKwekwe mukupera kwesvondo. Zvinonzi VaNcube vakati VaTsvangirai vaiva "Teaboy" asina zvaanonzwisisa panyaya yekuburitsa nyika mumatope.

Mashoko aya aita kuti vazhinji vafunge kuti zvichanetsa kubatanidza pamato eMDC yaVaTsvangirai neyaVaNcube musarudzo dzenyika dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya.

Vachitaura pamusangano mumwe chete iwoyo, VaNcube vanonzi vakati bato ravo richaita zvose zvarinogona kuti sarudzo dzisaitwa munyika pasati paitwa zvose zvinodiwa kuti pave nehwaro hunoita kuti kuitwe sarudzo dzakachena.

Mutori wedu wenhau Taurai Shava anoti VaNcube vakati vachaedza napose pavanogona napo kuti nyaya yesarudzo igadziriswe sarudzo dzisati dzaitwa.

Mutauriri waVaTsvangirai VaLuke Tamborinyoka vati zviri kutaurwa naVaNcube ndezvemugotsi matsuro. VaTamborinyoka vati VaNcube vanofanira kusimbira nyaya yekutsvaga vanhu kuti bato ravo rikure kwete kuzvidza VaTsvangirai.

Va Lovemore Madhuku, vanowe sachigaro weNational Constitutional Assembly, vati zvakanaka kuti vanhu vazive kuti vanhu vari kuda kuvatungamirira vakadzidza here kana kuti kwete asi hazvitadzise munhu kutungamira kana achinge asarudzwa nevanhu.

VaNcube varamba mashoko ekunyomba VaTsvangirai aya mugwaro ravaburitsa rinotsanangura zvakatora nzvimbo pamusangano uyu.

Vati hapana nguva yavakambotaura hutungamiri huri muhurumende nemazita, kunze kwekuti vakati panofanirwa kutsvagwa vatungamiri vane njere nehudzamu hwekutungamira nyika kuti iende mberi.

XS
SM
MD
LG