Accessibility links

Breaking News

Gweru Yotarisana neDambudziko Rekushaya Mvura


City of Gweru
City of Gweru
Guta reGweru rakatarisana nedambudziko guru rekushaya mvura nekuda kwekuti dhamu guru rinowanisa guta iri mvura, rave kupwa.

Mutevedzeri wameya weguta reGweru, VaTaurai Demo, vanoti guta iri rakatarisana nedambudziko rakakura rekushaya mvura nekuti dhamu reGwenoro, iro rinove dhamu guru rinopa mvura kuguta reGweru, rasarirwa nemvura shoma-shoma iri pasi pezvikamu zvinomwe kubva muzana.

VaDemo vanoti nekuda kwekushomeka kwemvura uku, uko kwakakonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura, kanzuru ichambomira kutora mvura kubva kudhamu iri munguva pfupi inotevera.

Guta reGweru rinoshandisa mamegarita emvura zviuru makumi mapfumbamwe nezvishanu pazuva. Asi pari zvino kanzuru iri kukwanisa kupa vagari mamegarita zviuru makumi mananezvishanu chete pazuva.

VaDemo vanoti senzira yekuedza kuti vagari vasashaye mvura zvachose, kanzuru iri kugadziridza mapombi epamadhamu madiki maviri anopawo mvura kuguta reGweru anoti Amapongogwe neWhitewaters.

Vanoti munguva pfupi yapfuura, kanzuru yakatenga mapombi maviri ayakaisa pamadhamu maviri aya. Vanotiwo kanzuru iri kukurudzira vagari kuti vashandise mvura yemuzvibhorani zvakacherwa mumawadhi ose emuGweru.

Sachigaro weGweru Residents and Ratepayers Association, VaCornelia Selipiwe, vanoti kunyange hazvo guta ratarisana nedambudziko remvura nekuda kwekushomeka kwemvura mudhamu reGwenoro, vamwe vagari vemunzvimbo dzakaita seSenga neMkoba 19 vave nenguva yakareba vasingawane mvura kunyange panguva iyo dhamu iri raive rakazara nemvura.

VaSelipiwe vanoti kunyange hazvo pasina zvakawanda zvinogona kuitwa nekanzuru pamusoro pekusanaya zvakanaka kwemvura, kanzuru inofanirwa kuona kuti yaisa mari yakawanda mukusimudzira mabasa ezvekuwanisa vagari mvura yakachena nguva dzose.

Mukupeta nyaya dzemuGweru, muaturiri weZimbabwe Electricity Supply Authority, VaFullard Gwasira, vanoti kunyange hazvo pane kugunun’una kune veruzhinji panyaya yemapre paid metres, kambani yavo iri kuenderera mberi nekuisa mamita aya mudzimba uye inotarisira kuti kusvika muna Gumiguru, dzimba dzose munyika dzinenge dzave nemamita aya.

Vamwe vanhu munyika vari kuchema-chema nerekuti magetsi emaprepaid metres anodhura pane emafixed metres. Asi VaGwasira vanoti magetsi emaprepaid metre akanakira kuti vanhu vanoshandisa magetsi emari yavanokwanisa kubhadhara uyewo zvinoita kuti kambani yeZesa isarasikirwe nemari nekuda kwevanhu vanotadza kubhadhara mari yemafixed metres.

VaGwasira vakataura mashoko aya neMuvhuro mushure memusangano wakaitwa muGweru pakati pevagari nekomiti yeparamende inoona nezvemagetsi. Komiti iyi iri kufamba ichinzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pehurongwa hwemamita.
XS
SM
MD
LG