Accessibility links

Breaking News

Netherlands Yobatsira Vagari vekuShurugwi Kuti Vazviriritire


Zimbabwe
Zimbabwe
Apo vanhu vakawanda munyika vakatarisana nedambudziko renzara, vamwe vagari vekumaruwa ekuShurugwi mudunhu reMidlands havasi kusangana nedambudziko iri nekuda kwechirongwa chekusimudzira hupenyu hwavo chavakatanga nerubatsiro rwemari kubva kumuzinda weNetherlands muHarare.

Kunyange hazvo veruzhinji munyika vachirarama nekurima, zvimhingamupinyi zvakasiyana-siyana zvinosanganisira kusanaya zvakanaka kwemvura, uye kushaya mari yekutenga zvose zvinodiwa pakurima, zvimwe zvezvinhu zvinoita kuti vakawanda vagare vakatarisana nenzara.

Vagari vekuChikato kuShurugwi ndevamwe vevakawanda vange vachisangana nedambudziko iri.

Asi nekuda kwechirongwa chakaita kuti vatange mubatanidzwa wemagadheni pamwe nekuchengeta mbudzi nehuku, vagari vekuChikato vanoti hupenyu hwashanduka uye vave netarisiro yeramangwana rakanaka.

Chirongwa cheChikato Orphans and Women’s Economic and Social Safety, chine vagari zana vemumabhuku matatu emuChikato anoti Mashiri, Mutsibha nePandehuni. Vagari ava vanosanganisira shirikadzi, nherera nevanhu vanorarama nehutachiwana hwehiv.

Pasi pechirongwa ichi, vagari ava vakachererwa zvibhorani pamagadheni avo nemari yakabva kumuzinda weNetherlands.

Amai Resta Manyakaidze ndivo sachigaro weMutsibha Garden. Amai Manyakaidze, avo vane makore makumi mashanu nemanomwe ekuberekwa, vari kuchengeta vazukuru vavo vatatu, uye vanorumbidza chirongwa ichi zvikuru:

Farai Giya, mukomana ane makore gumi nemanomwe. Farai, uyo ari kudzidza paGare Secondary School, anobatsira vabereki vake vanove nhengo dzeMutsibha Garden mukushanda mugadheni umu. Farai anoti mubatanidzwa uyu uri kumubatsira zvikuru.

Senzira yekuda kudzidzisana kuchengetedza mari uye kusimudzirana, madzimai ari mumubatanidzwa wemagadheni akatangawo chirongwa chehomwe yemari yavanenge vawana kubva mukutengesa zvirimwa zvavo vobva vakweretesana mari iyi.

Mari inenge yakwereteswa kunhengo dzemubatanidzwa inozodzorwa yabereka imwe pamusoro.

Kunze kwekubatsira muchirongwa chemubatanidzwa wemagadheni, imwe mari yakabva kumuzinda weNetherlands yakabatsira kuti dzimwe nhengo dzemushandira pamwe uyu dziwane mbudzi nehuku pasi pechirongwa cheSmall Livestock Project.

Pasi pechirongwa ichi,icho chakaparurwa mukunopera kwegore rapfuura, munhu wega wega anopiwa mbudzi mbiri, hono nehadzi, uyewo huku mbiri, jongwe nesheshe.

Vanhu vakatanga kupiwa zvipfuyo izvi vanotarisirwa kuzopawo zvipfuyo zvimwe chete kune vamwewo vanhu mushure megore rimwe chete apo pazvinotarisirwa kuti zvinenge zvabereka.

Amai Alice Chigiya, avo vane makore makumi matanhatu ekuberekwa, ndivo vanotungamira chirongwa chezvipfuyo ichi. Amai Chigiya vanoti chirongwa ichi chiri kubatsira vanhu nenzira dzakasiyana-siyana:

Muzinda weNetherlands wakashandisa zviuru makumi matatu nezviviri zvemadhora mukuchera zvibhorani pamwe chete nekupa zvipfuyo kunhengo dzemushandira pamwe uyu.

Vemuzinda weNetherlands vanoti vakapa rubatsiro kuvagari vekuChikato senzira yekuzadzisa chinangwa chenyika yavo chekubatsira vanhu vanotambura kuti vakwanise kuzviriritira pachavo vega.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG