Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Vashandi veSMM Vodzingwa Mudzinga Dzavanogara


Shabanie
Shabanie
Kunze kwekukwanisa kuriritira mhuri kana munhu achishanda anotarisira kuve nemba yakewo yaanogara nemhuri yake.

Asi vamwe vaimbove vashandi vekambani yeShabani and Mashaba Mine vanoti vave kuona nhamo inenge yechikwepa chinoti uku chakarumwa uku chiri kutsva nemoto.

Nemusi weMuvhuro vamwe vevashandi ava vakapiwa matsamba akabva kudare redzimhosva nechikonzi ekuvazivisa kuti panopera zuva ranhasi vange vabuda mudzimba dzekambani iyi dzavange vachigara sezvo vasisiri vashandi vekambani iyi.

Asi sachigaro weShabani Mine Ex-Workers Association, VaHilton Phiri , vanoti vashandi vari kupikisa kudzingwa mudzimba uku sezvo vachiti kambani yeShabani and Mashaba Mine haisati yavapa mari dzavo dzemihoro nedzemudyandigere dzainofanirwa kuvapa.

Asi dare repamusoro muBulawayo ragara zvechimbi chimbi neChitatu ndokunzwa gakava iri, rikabva rambotura mutongo wekuti kambani yeShabani and Mashaba Mine imbomira kudzinga vashandi mudzimba kudzamara dare iri rapa mutongo waro.

Pakupikisa kwavari kuita nyaya yekudzingwa mudzimba uku, vashandi ava vari kumiririrwa naVaGodfrey Mutseyakwa vanove gweta rinoshanda neveDanziger and Partners.

Kunze kwekutsutsumwa nenyaya yekudzingwa mudzimba kwavari kuitwa, vashandi ava vanoti vari kushamiswawo nenyaya yekuti kambani yave kuti vave nezvikwereti kwairi zvakabva pakubhadhara mari yekuroja kwavaifanirwa kuita kubva pavakasiya mabasa.

Muzvare Rumbidzai Mupandawana, avo vaishanda saFitter and Turner mukambani yeShabani and Mashaba Mine, ndemumwe weavo vari kupikisana nematanho akatorwa nekambani iyi.

Kambani yeShabani and Mashaba Mine yaimbove yamuzvinabhizimisi, VaMutumwa Mawere, asi yakazotorwa nehurumende mushure mekunge VaMawere vanzi vaive vatadza kubhadahra chikwereti chavaive nacho kuhurumende.

Pari zvino kambani iyi iri kushanda iri pasi pekambani yehurumende yeZimbabwe Mining Development Corporation kana kuti ZMDC.

Kunyange hazvo kambani iyi iri iyo yega inochera chicherwa cheAsbestos munyika, kusashanda zvakanaka kwayo kwakasiya vashandi nemhuri dzavo vave kudya nhoko dzezvironda.

Vaimbove sachigaro wekanzuru yeZvishavane, VaAlluwis Zhou ndemumwe weavo vakamboshanda mukambani yeShabani and Mashaba Mine uye vari kupikisawo kudzingwa mumba kwavari kuitwa.

VaZhou vanoti baba vavo vakashandirawo kambani iyi vakave mumwe wevashandi vakaenda pamudyandigere vasina chakavakabata, vachitiwo chinhu chinorwadza chaizvo kuti kambani iyi ibate zvakadai vanhu vakaishandira kwemakore akawanda.

VaZhou vanotiwo vamwe vakuru vakuru veZanu PF vaive vavimbisa vashandi kuti vaizopiwa dzimba dzekambani iyi senzira yekuvasimudzira pasi pechirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuvakuru vakuru veShabani and Mashava Mine kana kubva kuvakuru vakuru vebato reZanu PF mudunhu reMidlands.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG