Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weZambia, VaMichael Sata Vanovhura ZITF yeGore Rino


Mutungamiri weZambia, VaMichael Sata, vanoti zvakakosha kuti makambani emunyika akwanise kugadzira zvinhu zvinokwanisa kutengwa kunze kwenyika pasi rose sezvo izvi zvichibatsira kuwanisa vanhu mabasa uye kusimudzira hupfumi hwenyika.

Vachitaura muBulawayo vachivhura zviri pamutemo chirongwa che Zimbabwe International Trade Fair, ZITF, vati musika wakaita seZITF wakakosha zvikuru sezvo uchipa makambani mukana wekuvaka hukama nemamwe makambani uye nevanhu vanogona kutenga zvigadzirwa zvemakambani aya.

VaSata vati chirongwa cheZITF chinopawo makambani nemamwe masangano mukana wekuzivisa veruzhinji pamusoro pezvavanoita uye varumbidzawo marongerwo ange akaitwa ZITF yegore rino.

VaSata vati dingindira reZITF rekusima hupfumi munyika hunoitisa pondutso pasi rose, Investing Locally - Reaping Globally, rakakosha sezvo richikurudzira makambani pamwe nemasangano akasiyana-siyana kuti asimudzire mabasa awo mukugadzira zvinhu uye kuita mabasa anogona kutengeswa kunyika dzepasi rose.

VaSata vati kunyika dzichiri kubudirira seZimbabwe neZambia, zvakakosha kuti makambani nemasangano emunyika idzi akwanise kutengesa zvihnu zvawo kunze kwenyika sezvo izvi zvichibatsira kuti vanhu vawane mabasa pamwe nekusimudzira hupfumi hwenyika.

Vatiwo zvakakosha kuti Zimbabwe neZambia dzikoshese nyaya yekurima nekuda kwekuti kurima ndiko kunopa raramo kune veruzhinji munyika idzi.

Vamwe vemabhizimisi madiki vataura neStudio7 varumbidzawo chirongwa cheZITF vachiti chavapa mukana wekusimudzira mabhisimisi avo.

Mumwe weavo apa rumbidzo yakadai, ndiMuzvare Lungile Mokwena vekuSouth Africa, avo vane kambani yavo inogadzira mbatya. Muzvare Mokwena vati ndekekutanga kushambadza zvinhu zvavo paZITF uye vati vaona paine mukana wekuunza bhizimisi ravo muZimbabwe.

Gore rino, China ndiyo yanga ine nzvimbo yakakurisa yekuratidza zvigadzirwa zvayo, uye yange ine vamiriri vanosvika mazana matatu, ichiteverwa ne South Africa.

Vanotungamira ZITF, VaDaniel Chigaru, vanoti gore rino raona kudzoka kwe Italy, iyo yakapedzisira kuuya apo Zimbabwe yakatemerwa zvirango zvehupfumi nenyika dzemu European Union.

VaChigaru vanoti kudzoka kweItaly, ichisangana nedzimwe dzakaita se Poland, Germany, China ne South Africa, kunosimbaradza hurongwa hwe hwavo.

Dzinwe nyika dziri ku ZITF dzinosanganisirawo Pakistan, Namibia, Iran, Indonesia, Zambia ne Brazil.

Nyika dziri kuratidza zvinhu zvadzo kekutanga gore rino, dzinosvika zvikamu makumi matatu nezvisere kubva muzana.

Asi sangano renhau reBritish Broadcasting Corporation rinoti nyika dzakaita se Russia ne India, hadzina kuuya gore rino nepamusana pekusafarira mitemo yeZimbabwe munyaya dzehupfumi.

XS
SM
MD
LG