Highlanders, iyo iri pamusoro nemapoinzi makumi mashanu neimwe, iri kusangana neHarare City, iyo ine mapoinzi makumi mashanu. Ukuwo Dynamos, iyo iri kutevera Bosso nemapoinzi makumi mashanu, iri kusangana neChicken Inn
Sachigaro we Harare City, VaLesley Gwindi, vanoti kunyange Highlanders yakambovarova 2-0 mumutambo we PSL, iko zvino inorara chete.
Vanotevera mitambo yenhabvu vanoti hondo yeachatora mukombe we Castle Lager Premier Soccer League gore rino ichiripo kunyange hazvo Dynamos yakakunda Highlanders 1-0 neSvondo.
Zvikwata zvisina mukurumbira zviri kutarisira kudambura zvikwata zvine mbiri apo zviri kusanga mumakota fainari eMbada Diamonds Cup mukupera kwesvondo.
Chikwata chemutambo wekickboxing chapinda mukamba kuitira kuti chigadzirire kuzomirira nyika kuma 2013 World Kickboxing Championship ayo achaitirwa muTurkey mukutanga kwaMbudzi.
Kunyange hazvo Zimbabwe ne Mozambique dzakaita mangange, vaive munhandare vanoti Mozambique yaifanira kukunda dai yakashandisa mikana yese yayakawana.
Gorowa anoti vatambi vake vanofanira kuisa pfungwa dzavo dzose pamutambo uyu vokunda zvine mutsindo, zvisineyi kuti Zimbabwe haisisiri mumakwikwi e2014 World Cup.
Kukundwa kwave kudya kwemazuva ose kuchikwata cheZimbabwe Cricket zvekuti vatsigiri vemutambo uyu havasisina chivimbo nechikwata chavo.
Murairidzi weZimbabwe Warriors, Ian Gorowa, ari kuyambira chikwata chake kuti chisadheerere Mauritius mumutambo uchatambirwa muZimbabwe nemusi weSvondo
Murairidzi mutsva weZimbabwe Warriors, Ian Gorowa, anoti Zimbabwe Football Association inofanirwa kumudzinga basa kana chikwata chake chichinge chakundikana.
Murairidzi wechikwata cheZimbabwe Warriors anoti muridzi wepembe akadyisa chikwaka chake mumutambo we Cosafa Castle Cup uyo wakaitwa neMugovera kuZambia.
Zimbabwe iri kutanga kudzivivira mukombe wayo weCosafa Castle Cup mumutambo wenhabvu waichasangana neMalawi neMugovera kuZambia.
Makundano ezvikwata zvenhabvu zvina eNetOne Charity Shield apihwa mari yekuti zvikwata izvi zvikwikwidzane gore rino.
Chikwata chenhabvu cheZimbabwe Warriors chadzoka mukamba umo chiri kugadzirira mutambo wacho wekuedzana simba nechikwata cheBotswana pamutambo uchatambwa nemusi weChitatu.
Murairidzi wechikwata chine mukurumbira munyika, cheDynamos, Kalisto Pasuwa, anoti ari kushushikana zvikuru nekubuda kuri kuita vatambi muchikwata chaanorairidza.
Sangano reFootballers Union of Zimbabwe rinoti riri kuda kuti Zifa iwedzere mazuva ekuti vatambi vakawanikwa vaine mhosva mu Asiagate vakwanise kubhadhara mafaindi avo.
Kuchatyokwa makumbo neMugovera apo vakomana vezvikwata zveDynamos ne Monomotapa vachange vachitamba mumakwikwi emukombe weMbada Diamonds Cup.
Chimwe chikwata chevechidiki che Under 20 chakatadzawo kuenda kuAngola kunozadzisa mutambo wacho mushure mekunge ZIFA yati yashaya mari zvakare
Vakasarudzwa kutungamira kumirira vatsigiri nenhabvu neZimbabwe Football Association, Zifa, VaSimiyoni Jamanda, vanoti vari mubishi rekuunganidza vatsigiri venhabvu vachaenda nechikwata chenyika kuAngola.
Muimbi wemuZimbabwe ane mukurumbira pasi rose, Oliver Mtukudzi, ari kusvitsa makore makumi matanhatu neChishanu apo ari kuitirwa mabiko munhandare yeGlamis muHarare.
Rodhai zvimwe