Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeNhabvu Yotsviriridza Pakati peDynamos neHighlanders


Dynamos vs Highalnders
Vanootevera mitambo yenhabvu vanoti hondo yeachatora mukombe we Castle Lager Premier Soccer League gore rino ichiripo kunyange hazvo Dynamos yakakunda Highlanders 1-0 neSvondo.

Dynamos yave pamusoro nemapoinzi makumi mana nemasere, yakaenzana neHarare City, asi iri pamberi nekunwisa zvibodzwa zvakawanda.

Asi mumwe mutsigiri weCaps United, VaJivas Machaya, vanoti shasha yegore rino ichazivikanwa chete musi uchapera mitambo yemakwikwi aya.

Vaimbotambira chikwata chema Warriors, VaStanford Stix Mtizwa, vanotiwo hondo ichiripo pazvikwata zviri kutungamira.

VaMtizwa, avo vakaita mbiri vachitambira Caps United vasati vatanga kutambira Black Rhinos, vanoti vari kufara zvikuru sezvo makore apfuura panguva ino Dynamos ingadai yatotora mukombe sekunge yaitamba yoga.

Makundano egore rino akaoma zvikuru sezvo zvikwata zvitatu zviri kutungamira zvakasiyana nepoindi imwe chete.

Asi mitambo pakati peHighlanders neHarare City muRufaro Stadium pamwe nerwendo rweDynamos kuLuveve kunotamba neChicken Inn, zvichabuditsa pachena kuti angangotora mukombe uyu ndiani.

Chikwata chichatora mukombe uyu chichawana mari inoita iyo zviuru makumi manomwe zvemadhora, uyezve chinowana mukana wekumiririra nyika mumakundano eCaf Champions League egore rinouya.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG