Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yogadzirira Makwikwi e2013 World Kickboxing Championship


Chikwata chemutambo wekickboxing chapinda mukamba kuitira kuti chigadzirire kuzomirira nyika kuma 2013 World Kickboxing Championship ayo achaitirwa muTurkey mukutanga kwaMbudzi.

Chikwata ichi chinosanganisira Brighton Tangata uyo asati amborohwa muZimbabwe kubvira muna 2007 apo akatora menduru yebronze kuma2007 All Africa Games kuAlgeria. Tangata ari pachinhanho chetatu muAfrica yose.

Vamwe vari muchikwata ichi vanosanganisira Tafadzwa Muropa na Isaac Marara.

Mutungamiri weKickboxing Association of Zimbabwe, VaTony Kamangira, vanoti vari kutarisira zvekare kutumira vatambi ava kuSouth Africa uko vachanopamhidzira gadziriro yavo yemakundano epasi rose aya, ayo achaitwa musi wa 2 Mbudzi.

VaKamangira vanoti vatambi vemuZimbabwe ava vachange vachikwikwidza mumakundano akawanda muSouth Africa umo mutambo wekickboxing uri pamusoro soro.

Tangata anoti achitarisa mamiriro akaita hurongwa hwegadziriro yavo, ari kuona vachinouya nemenduru kubva kumaWorld Championships.

Muropa, uyo achange achikwikwidza kekutanga mumakundano emhando yepamusoro akadai, anoti atononokerwa nemakundano aya sezvo anga achigadzirira kwenguva yakareba.

VaKamangira vasimudzira chichemo chavo chekuti vari kutsvagawo mbatya pamwe nezvekushandisa zvakakwana mugadziriro yavo sezvo pane dzimwe nguva vari kupedzisira vachikumbira zvekushandisa kune avo vavanenge vachikwikwidzana navo.

Vatambi vekickboxing vemuZimbabwe vari kutarisira kuita zvakaitwa nemutambi wekarati, Sensei Samson Muripo, uyo akatora mukombe weWorld Kyokushin Championship kuJapan mugore ra 2011 apo akadambura vatambi vakabva kuSwiterland, Japan, Brazil pamwe neRussia.
XS
SM
MD
LG