Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotashurana neMalawi neMugovera kuZambia


Soccer Ball
Zimbabwe iri kutanga kudzivivira mukombe wayo weCosafa Castle Cup mumutambo wenhabvu waichasangana neMalawi neMugovera kuZambia.

Asi vatsigiri venhabvu, kusanganisirawo vakambotamba nhabvu, vanoti havasi kutarisira kuti Zimbabwe ichakunda vakomana veFlames vechikwata cheMalawi.

Vazhinji vanoti Zimbabwe haina hunyanzvi hwekuti ingakunde kumakundano ane zvikwata gumi nezvina .

Izvi zvinotevera kukundwa zvinonyadzisa kweZimbabwe mumakundano e2014 World Cup apo Zimbabwe yakawana poindi imwe chete mumitambo mishanu yemugungano raive nezvikwata zvina.

Vaimbotambira Lengthens, VaRobert Tingi, vanoti kutarisira kuti chikwata ichi chichauya nemukombe, maroto chaiwo.

Kunyange hazvo Zimbabwe ine mukombe uyu mushure mekudambura Zambia 3-1 muna 2009, mumwe muteveri wenhabvu, VaTapera Mugoni, vanoti chikwata chiripo ichi chakasiyana zvikuru nechakatora mukombe uyu muna 2009.

Asi mumwe mutsigiri wenhabvu, VaDavid Mutema, vanofunga kuti Malawi haina kusimba zvekuti inokwanisa kurohwa neZimbabwe.

Kunyange veruzhinji vari kufunga kuti chikwata ichi hachina ramangwana, murairidzi wemaWarriors, Klaus Dieter Pagels, anoti ari kutarisira kutora mukombe uyu.

Pagels anoti ari kuziva kuti maziso ese ari paari nemhaka yekuti mikombe mina yakatorwa nemaWarriors kubva pakatanga makundanbo aya, yakatorwa nevarairidzi vemuno muZimbabwe, nokudaro, ari kudawo kupinda munhoroondo yenhabvu semurairidzi wekunze wekutanga kutora mukombe uyu.

Zimbabwe ikakunda Malawi, inosangana neachakunda pamutambo we Angola ne Lesotho muma semi finals.
XS
SM
MD
LG