Accessibility links

Breaking News

Zvikwata Zvina Zvokweshana muNetOne Charity Shield


Soccer Ball
Soccer Ball
Makundano ezvikwata zvenhabvu zvina eNetOne Charity Shield apihwa mari yekuti zvikwata izvi zvikwikwidzane gore rino.

NetOne yapa mitambo iyi mari inoita iyo zviuru mazana matatu zvemadhora kubva pazviuru mazana maviri zvayakashandisa gore rapera.

Chikwata cheCaps United chichatungana neFC Platinum, kozotiwo Monomotapa ichatamba neChicken Inn munhandare imwe cheteyo neMugovera. Zvikwata zvichakunda mumitambo iyi zvichizosangana nesvondo.

Mitambo yeNetOne Charity Shield, iyo yanga ichingotambirwa muHarare makore apfuura, yabviswa muguta iri ichiendeswa kuMandava Stadium kuZvishavane.

NetOne inoti inoda kuendesa mitambo yekutanga kwemwaka kune dzimwe nzvimbo kwete muharare chete.

Mukuru weNetOne, VaReward Kangai, vati vanoda kupawo vamwe mukana wekuona nhabvu yepamusoro soro kunyanya panguva ino yekutanga kwemitambo.

VaKangai vanoti zvikwata izvi zvichapihwa mari yakasiyana siyana, zvichienderana nekuti zvapedza mitambo iyi zviri papi.

Zvikwata zvina zviri mumakwikwi aya zvakasarudzwa neveruzhinji avo vaitumira parunhare rweNetOne zvikwata zvavanoda kuti zvitambe mumakundano aya.

Asi chiri kushamisa ndechekuti zvikwata zvine mukurumbira, Dynamos neHighlanders, hazvina kuwana mavhoti akawanda ekukwanisa kukwikwidza mumakwikwi aya.

Makore apera, chikwata chaitora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League pamwe nechaikunda muMbada Diamonds Cup, ndizvo zvaikwikwidza muNetOne Charity Shield. Asi veNetOne nevePremier Soccer League vakashandura izvi gore rino.

Zvikwata zvese zvina zviri kuti zvakagadzirira zvakakwana kurwira mukombe uyu. Sachigaro weMonomotapa, VaJoseph Mukoki, vanoti kubuda kwaita mavhoti ndizvo zvichangoitikawo munhandare.

Asi mumwe wevatungamiri veChicken Inn, VaBonnet Moyo, vati ivo havasi kuda kutaura zvakawanda vachiti ivo chavari kuda kutora mari yakawanda kudarika zvimwe zvikwata.

Maneja weCaps United, VaJospehat Rwafa, vati FC Platinum inofanira kuuya yakagazdirira hondo.

Asi murairidzi weFC Platinum, Tennant Chilumba, anoti iye mukombe ndewavo. Atiwo svondo rino vacharatidza kurura kwavanenge vachiita gore rino mumitambo yenhabvu.

Makore matatu echibvumirano chevePremier Soccer League pamwe neveNetOne kuti makundano aya aitwe ari kupera gore rino. Asi NetOne haina kuda kubuda pachena kuti icharamba ichitsigira chirongwa ichi gore rinouya.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG