Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yonetsekana neZviri Kutadzisa Chikwata Mumakwikwi eNhabvu


zimbabwe warriors
Vatsigiri venhabvu vakaimba nekuridza ngoma pamwe nekutamba asi izvi hazvina kubatsira chikwata chenhabvu chenyika mumutambo wacho we 2014 World Cup neMozambique neSvondo.

Vatsigiri ava vakabuda munhandare vachidzunguza misoro yavo vachishaya chikonzero chakaita kuti Zimbabwe itambe zvinonyadzisa zvakadai.

Zimbabwe yatadza kukunda mumitambo inoverengwa muRufaro Stadium kubvira muna Kubvumbi gore rapera apo yakakunda Burundi 1-0.

Kunyange hazvo Zimbabwe ne Mozambique dzakaita mangange, vaive munhandare vanoti Mozambique yaifanira kukunda dai yakashandisa mikana yese yayakawana.

Asi murairidzi we Zimbabwe Warriors, Ian Gorowa, nevamwe vake, vanoti zvose izvi zvakakonzerwa neZifa pamwe ne Premier Soccer League, avo vasina kumupa vatambi paine nguva yekuti vasangane vachigadzirira mutambo uyu.

Gorowa anoti akayambira vatsigiri venhabvu kuti vasatarisire mashura nekuti vatambi vake vainge vakaneta nenyaya yekutambira zvikwata zvavo pakati pesvondo nepamusoro pekusapihwa nguva yakakwana yegadziriro.

Gorowa anoti iye nevamwe vake vakakumbira kuti mitambo iyi imiswe kuitira kuti vawane nguva yakakwana yegadziriro, asi izvi hazvina kuteererwa.

Maneja wema Warriors, VaPatrick Muteswa, vanotsigira Gorowa pamaonero aya, vachiti vatambi vanofanirwa kupihwa nguva yekugadzirira vari pamwe chete.

Ukuwo akamboita mbiri munguva yake yekutambira Dynamos, David Mandigora, anoti zvakabuda neSvondo zviri kuratidza kuti maWarriors anoda nguva yakareba ari ese.

Gorowa anoti Zifa nePremier Soccer League vanofanirwa kugadzirisa dambudziko iri.

Mukuru we Zifa, VaJonathan Mashingaidze, vanoti vachagara musangano wekutarisisa zvakabuda kwete pamutambo uyu chete, asi yese yepamisha iyo Zimbabwe iri kutadza kuti vaone chiri kukanganisa.

Aimbotambira chikwata chema Warriors, Dumisani Mpofu, anoti vatsigiri venhabvu ngavarambe vakabatana mukutsigira chikwata chenyika vasingatarise kuti vanotevera chikwata chipi.

Zvichakadaro, Zimbabwe yasimuka mangwanani ichienda kuSouth Africa uko iri kutamba neBafana Bafana mumutambo wehushamwari muOrlando Stadium neChipiri.
XS
SM
MD
LG