Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Cricket Yogumbura Vakawanda


Kukundwa kwave kudya kwemazuva ose kuchikwata cheZimbabwe Cricket zvekuti vatsigiri vemutambo uyu havasisina chivimbo nechikwata chavo.

Huwandu hwevanhu vari kuenda konoona chikwata ichi chichitamba muHarare Sports Club huri kudzikira zvikuru nekuti vave kuona pasisina chekuendera kunhandare sezvo chikwata ichi chiri kungorakashwa nguva dzose.

Pari zvino chikwata ichi chakatokundwa nevashanyi vePakistan 2-0 pamitambo yeTwenty 20 zvekuti vakawanda vanoti Zimbabwe haisi kumira pamitambo mitatu yezuva rimwe iyo iri kutanga neChipiri.

Muongorora wemutambo wekiriketi, VaAleck Muhoni, vanoti havasi kuona chine chimuko chinoitwa nechikwata chenyika.

Pama Twenty 20 aya, Zimbabwe yakanyadzisa zvekuti mutungamiri wevatambi, Brendan Taylor, akangoita maranzi makumi matatu nemaviri zvichienzaniswa nemaranzi anosvika makumi masere aiitwa nevatambi vePakistan.

Vamwe vatambi veZimbabwe vane mukurumbira, Vusi Sibanda, Hamilton Masakadza pamwe naElton Chigumbura, vari kukundikana zvikuru zvekuti vanofanira kurwa semvunda kana Zimbabwe ichida kubuda nechinhu pamitambo iyi.

Muteveri wemutambo uyu, VaDanmore Chinouya, vanoti vanonyara kunyadziswa nechikwata che Zimbabwe Cricket.

Kunyange hazvo veruzhinji vasisina chivimbo nechikwata chake, murairidzi wechikwata ichi, Andy Waller, anoti vatambi vake vachashandura zvinhu muma mumitambo ichatanga neChipiri.


Mitambo yezuva rimwe ikapera, Zimbabwe nePakistan dzichasangana zvekare mumitambo miviri, wekutanga muHarare Sports Club musi wa 3 Gunyana, vachizoenda kuQueens Sports Club kuBulawayo musi wa
10 Gunyana.
XS
SM
MD
LG