Accessibility links

Breaking News

Vatambi veDynamos Votsvaga Mafuro Manyoro Kunze kweNyika


Soccer Ball
Soccer Ball
Murairidzi wechikwata chine mukurumbira munyika, cheDynamos, Kalisto Pasuwa, anoti ari kushushikana zvikuru nekubuda kuri kuita vatambi muchikwata chaanorairidza vachinotsvaga mafuro manyuro kunze kwenyika.

Chikwata ichi chave kutanga gadziriro yacho yegore rino chisina mutambi wacho ane mbiri, Denver Mukamba, uyo ari kuenda kunotambira Bidvest Wits yekuSouth Africa mushure mekutora mukombe we 2012 Castle Soccer Star of the Year pamwe nekubatsira Dynamos kutora mukombe we Castle Lager Premier Soccer League pamwe neweMbada Diamonds Cup .

Mumwe wake, munwisi wezvibodzwa, Rodrick Mutuma, ari kuSouth Africa uko ari kutsvaga basa kuOrlando Pirates. Ari kudiwa zvakare nezvimwe zvikwata zviviri, Bloemfontein Celtic neDynamos muSouth Africa makare.

Mutuma akatokumbira kuti Dynamos imbomira kumunyoresa mumitambo yemunyika sezvo akawana basa asiri kudzoka kuzotambira De Mbare.

Pamusoro pezvo, mumwe mutambi, Simba Sithole, ari kunzi ari kuitawo hurukuro nezvimwe zvikwata zvekuSouth Africa uko kunobhadharwa vatambi mari yakanaka.

Ukuwo Partson Jaure, uyo aive pavatambi gumi nemumwe chete vairwira mukombe we 2012 Soccer Star of the Year, ari kutsvagawo basa kuEurope uko ari kunzi ari kudiwa nezvimwe zvikwata munyika dzakasiyana siyana.

Pasuwa anoti nezviri kutika izvi, Dynamos inoda kugadziriswa zvakasimba kuitira kuti ikwanise kutora mikombe muZimbabwe pamwe nekutamba zvakanaka muAfrica, sezvo vaimbove vatungamiri vevatambi, Desmond Maringwa, naGeorge Magariro pamwe naDavid Kutyauripo, vasina kunyoreswa kutambira chikwata ichi.

Nguva yekunyoresa vatambi muCAF Champions League yakatodarika uyezve CAF haitenderi kunyoresa vatambi vatsva.

Pasuwa anoti kusavepo kwevatambi ava kunosiya buri guru muhondo yeDynamos yekutora mukombe wemuAfrica uyu.

Mutuma, Sithole naJaure vese vakanyoreswa kutambira De Mbare muCAF pamwe nevamwe vatambi vatsva vakatengwa vakaita saStephen Alimenda, kubva kuHardbody, pamwe naArtwell Mukandi na Russell Madamobe vakatengwa kuMonomotapa.

Pasuwa anoti panguva ino anga achida kuti ave nevatambi vake vese avo chikwata chake chakanyoresa kuti vatambire De Mbare gore rino pagadziriro yemitambo yakakosha kudai seyeCAF Champions League.

Pasuwa anoti akumbira musangano nevanotungamira Dynamos kuti anzwe kuti vanofungeyi nezviri kuitika nevatambi vechikwata ichi.

Asi sachigaro weDynamos, VaKeni Mubaiwa, vanoti havasi kuzovharira gonhi vatambi vanoda kusiya Dynamos vachienda kune zvikwata zvekuSouth Africa vachiti ivo vachaita pose pavanogona kuti vatengere Pasuwa vatambi vatsva kutsiva vanenge vaenda.

Kunyange hazvo nguva yekutenga vatambi vatsva kubva kune zvimwe zvikwata muZimbabwe iri kutanga musi Ndira 1, 2013, ichipera mukutanga kwaKurume, vePremier Soccer League havasati vatanga kunyoresa vatambi vachatambira zvikwata mumakwikwi emwaka mutsva wenhabvu.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG