Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yosangana neMozambique neSvondo


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors
Murairidzi wechikwata chenhabvu chenyika anoti ari kunetsekana zvikuru nekugadzirira kwairi kuita mutambo we 2014 World Cup qualifier, apo Zimbabwe iri kusangana neMozambique, kunyange hazvo mutambo uyu uchisina zvaunoreva kuZimbabwe.

Ian Gorowa anoti ari kutyira zvikuru vatambi vake pamutambo uyu nekuti havana kupihwa nguva yekunyatsozorora kuitira kuti varwe semvumba pavachasangana neMozambique neSvondo.

Gorowa, uyo akakwanisa kukokera vakomana vema Warriors mukurova Zambia, anoti vatambi vake vachange vakaneta sezvo vakatambira zvikwata zvavo pakati pesvondo mumitambo yeCaster Lager Premier Soccer League.

Gorowa anoti zvakare haana kuwana mukana wakakwana wekugadzirira mushure mekukwanisa kuunganidza chikwata chake chese kwezuva rimwe chete neChishanu nepamusana pemitambo yakatambwa neChina.

Vatambi vakaita saHardlife Zvirekwi, Tafadzwa Dube, pamwe naDominic Chungwa veCaps United, Donald Ngoma naNelson Mazivisa veFC Platinum, vatamba neChina manheru sezvo vaive nezvikwata zvavo zvenhanbvu yepamusoro munyika.

Gorowa anoti zvose izvi zvinoisa mutoro mukuru pagadziriro yemutambo weSvondo.

Maneja we Zimbabwe Warriors, Va Patrick Muteswa, vanoti mhuri yenhabvu haisi kukoshesa mutambo weZimbabwe neMozambique nekuti Zimbabwe yakatobuda kare munzira yekuenda kuBrazil gore rinouya, uko kuchatambirwa makwikwi enhabvu yepasi rose.

Asi Gorowa anoti haaneyi nekuti Zimbabwe yakatobuda mumakwikwi ekuenda ku 2014 World Cup achiti iye vatambi vake vanofanira kukanganwa gakava ranga riripo pakati peZifa nePremier Soccer League nemhaka yemitambo yepakati pesvondo.

Gorowa anoti vatambi vake vanofanira kuisa pfungwa dzavo dzose pamutambo uyu vokunda zvine mutsindo, zvisineyi kuti Zimbabwe haisisiri mumakwikwi e2014 World Cup.

Zimbabwe ine poindi imwe chete mumitambo mishanu. Asi Gorowa, uyo ari kurairidza mumutambo wake wekutanga wemakwikwi ekuenda ku 2014 World Cup, anoti haasi kutarisa zvose izvi.

Gorowa anoti ari kushandisa mitambo yese iri kuuya senzira yekugadzirisa chikwata chake chichaenda kuma 2014 African Nations Championship achaitirwa muSouth Africa muna Ndira.

Mushure memutambo weSvondo, Zimbabwe iri kunotamba neBafana Bafana mumutambo wehushamwari mu Orlando Stadium neChipiri kuSouth Africa.
XS
SM
MD
LG