Accessibility links

Breaking News

Zvikwata Zvokweshana Mumakwikwi eMbada Diamonds


Highlanders neDynamos hadzisi kusangana muMbada Diamonds cup mukupera kwesvondo.
Zvikwata zvisina mukurumbira zviri kutarisira kudambura zvikwata zvine mbiri apo zviri kusanga mumakota fainari eMbada Diamonds Cup mukupera kwesvondo.

Aya ndiwo mafungiro ezvikwata zvidiki apo zviri kusangana nezvikwata zvine mukurumbira vachitarisira kunyora nhoroondo itsva nekudambura zvikwata zvine mbiri izvi mumakota fainari eMbada Diamonds Cup ayo akafararira nyika yose mukupera kwesvondo.

Zvikwata zvidiki izvi zviri kutarisirawo kutora mukombe uyu, uyo une mari inoita iyo miriyoni yemadhora. VaMlungisi Moyo veChicken Inn, iyo iri kusangana neCaps United kuAsoct Stadium neMugovera, vanoti Caps United inodonha chete.

VaMoyo vanoti chikwata chavo chiri kubhebha moto zvekuti vatsigiri vavo vasatarisire chimwe chinhu kunze kwekukunda.

Ukuwo chikwata chakapinda muPremier Soccer League gore rino, cheBuffaloes, chiri kufara kuti chiri kusanga neHighlanders kwete kuBabourfields Stadium, asi kuMucheke Stadium kuMasvingo.

Munyori mukuru wechikwata ichi, VaTendai Chitowa, vanoti kutambira kuMucheke kunovapa mukana wakanaka sezvo vamwe vatsigiri veHighlanders vasingakwanise kusvika kunhandare iyi.

Mumwe mutambo uri kuDubuladzimu kuBeitbridge pakati peHarare City neHwange, iyo yagara muPremier Soccer League kwemakore asingaverengeke.

Asi murairidzi we Harare City, Bigboy Mawiwi, anoti kunyange vachiremekedza Hwange, chinangwa chavo ndechekuita zvirinani kudarika gore rapera.

Asi zvikwata zvikuru hazvisi kutyisidzirwa. Sachigaro weDynamos, VaKenny Mubaiwa, vanoti mukombe ndewavo. Vanotiwo How Mine yakatorara kare.

VeDynamos vari kutarisira kutora mukombe uyu kwemakore matatu akateverana kuti vabva vapihwa mukombe uyu kuti vagare nawo zvachose.

Vachipindurawo zvataurwa neChicken Inn, mumwe wevatungamiri veCaps United, VaMorton Dodzo, vanoti havasi kutya Chicken Inn

Vanotiwo vatsgiri vavo vasatarise matambiro anga achiita chikwata ichi masvondo mashoma apfuura, vachiti ivo vatsigiri ava vanofanira kutarisira kufara kwakawandisisa mumutambo wemukombe uyu.

Vachabudirira mumitambo yemakota fainari aya vari kuenderera mberi uko vakavimbiswa mazimari mazhinji. Asi vari kukundwa vari kuwanawo mari inoita iyo zviuru makumi matatu zvemadhora.

Premier Soccer League ichabatanidza zvikwata zvichasangana muma semi fainari musi wa 18 Gumiguru.
XS
SM
MD
LG