Masangano eEuropean Union neUnited Nations oenderera mberi nekubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai kuManicaland neMasvingo.
Mumwe wevanhu vakatanga hurongwa hwekutsvaga mari yekubatsira mudambudziko re Cyclone Idai, VaFreeman Chari, vanoti mari yavakwanisa kuunganidza pari zvino yave kudarika zviuru makumi masere nezvina.
Vezvematongerwo enyika vopindira pamwe nekuvhiringa kugoverwa kwerubatsiro kuvanhu vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai kuChimanimani neChipinge.
Gurukota rinoona nezvematunhu VaJuly Moyo vanoti vanhu zana nemakumi manomwe nevapfumbamwe vashaya vanodarika mazana matatu nemakumi maviri nevapfumbamwe vasiri kuzivikana kuti varipi mushure memafashamu edutumupengo Idai vachiti kuparara kwemigwagwa kuri kunonotsawo rubatsiro.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vashanyira nzvimbo dzakaparadzwa nedutumupengo tropical cyclone Idai kuManicaland.
Sangano re European Union razivisa kuti richipa Zimbabwe mari inosvika 3.5 million Euros ichashandiswa mukubatsira avo vakatarisana nedutu mupengo re Tropical Cyclone Idai.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vosvika kuManicaland uko mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwawo kusvika nhasi. Vanhu vanodarika makumi mapfumbamwe nevasere vanonzi vashaya kusvika parizvino asi huwandu uhu huri kutarisirwa kukwira zvakanyanya.
Mukuru mubazi rezvehutano Dr Robert Madyiradima vanoti huwandu wezvirwere zvemanyoka huchawedzera munzvimbo dzakaparadzwa nedambudziko renemafashamu emvura nemhepo kana kuti Tropical Cyclone Idai sezvo kusina mvura yekunwa yakachena kune dzimwe nzvimbo uko kusiri kusvikika parizvino.
Vanhu vanodarika makumi masere nevapfumbamwe vafa kuChipinge, Chimanimani neMasvingo nekuda kwedutumupengo remafashamu emvura nemhepo kana kuti Tropical Cylone Idai.
Vanhu vanodarika zana nemakumi maviri nevatanhatu vanofa kuMozambique, Malawi neSouth Africa nekuda kwedutumupengo remvura nemhepo rinonzi IDAh iro riri kurovawo mamwe matunhu akawanda muZimbabwe
Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxilia Mnangagwa uye gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vari kumusangano wekuyenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevanhu rume kana kuti Gender Summit.
Zvinhu zvoramba zvakaita manyama amire nerongo muzvipatara kunyangwe hurumende iri kuti yawana mari imosvika miriyoni imwe chete yekutenga mushonga.
Vana chiremba vakuru vanoratidzira pachipatara cheParirenyatwa vachigunun’una nekushaikwa kwezvikwanisiro muzvipatara zvehurumende.
mutungamiri wenyika vaemmerson mnangagwa vapeta musangano wekudyidzana nemutungamiri wenyika yesouth africa vacyril ramaphosa muharare nhasi, dzimwe nyanzvi dzinowongorora hupfumi dzichiti hadziwone zvichabuda.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vopeta musangano wekudyidzana nemutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa muHarare nhasi.
Chimwe chizvarwa chezimbabwe chinogara mu ethiopia uye chichishanda nevamwe vakarasikirwa nehupenhu munjodzi yendege ye ethiopian airways nezuro, muzvare sandra nyaira, vanoti njodzi iyi yatora nyanzvi zhinji dzichanetsa kutsiva.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvakaronga musangano wekuzeya zvemabhizimisi wakaitirwa kumuzinda weZimbabwe uri muWashington DC. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Gurukota rezve mari Va Mthuli Ncube, havana kuda kutaura nevatori venhau, kana kutorwa mavhidhiyo vachitaura pamusangano wavakaita muWashington neChitatu manheru. Musangano uyu wakanga wakarongwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muWashington DC zvichida kunzwa kuti zvinhu zviri kufamba seyi kuZimbabwe.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chechidiki chiri muAmerica chotaura pfungwa dzacho mushure mekupinda musangano wakakokerwa negurukota rezvehupfumi VaMthuli Ncube muWashington DC. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Rodhai zvimwe