Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume 18, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vanodarika makumi masere nevapfumbamwe vafa kuChipinge, Chimanimani neMasvingo nekuda kwedutumupengo remafashamu emvura nemhepo kana kuti Tropical Cylone Idai.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vodzoka munyika nhasi kubva kuUnited Arab Emirates kuti vatungamire hurongwa hwekubatsira vakawirwa nedambudziko redutumupengo uku mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa vachiendawo kuManicaland.

Munyori mukuru weUnited Nations VaAntónio Guterres vanoti vari kunzwa kusuwa kukuru nekurasikirwa kwehupenyu kwevanhu muZimbabwe nenyaya yedutumupengo iri.

Elections Resources Centre yoparura hurongwa hwekukurudzira hurumende kuti ivandudze mitemo yesarudzo.

Meya weguta reHarare VaHerbert Gomba vochema chema nekutadza kubhadhara mari yemitero kuri kuitwa nemakambani, hurumende nevagari.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa nyaya yematambudziko asangana nenyika nekuda kwedutumepengo Idai

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG