Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro Kurume 11, 2019


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau
Misoro yeNhau, Muvhuro Kurume 11, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri webato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, VaJacob Mafume, vanombozvipira kumapurisa mushure mekunge vanzwa kuti vari kutsvagwa nemapurisa, asi vanonzi vachazoshevedzwa kana vachizodikanwa.

Gavhuna vebhanga guru Doctor John Mangudya vanoudza paramende kuti hurumende iri kubhadhara chikwereti chemamiriyoni mazana matanhatu emadhora kuAfreximbank ichishandisa mari iri kuwanikwa kubva mukutengeswa kwegoridhe.

Musangano wekudyidzana kwehurumende yeZimbabwe neSouth Africa, weBi-National Commission, unoenderera mberi makurukota enyika mbiri achisangana nhasi muHarare, ukuwo vatungamiri venyika idzi vachitarisirwa kusangana mangwana…

Nyanzvi dzezvehutano dzotaura pamusoro pezvirwere zvenyawiri ne asthma.

Vatsigiri veMDC mudunhu reMasvingo vopesana pamusoro pekuti ndiani anokodzera kutora chigaro chasachigaro wedunhu pasarudzo dziri kutarisirwa kuitwa pakongiresi yebato mwedzi miviri inotevera.

Murairidzi weDynamos, Lloyd Chigove anoti haasati anyatsosvika paanoda mukuumba chikwata chake, kunyange hazvo Dynamos yakarova Caps United 2-0.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm nhasi, tiri kutarisa nezvemusangano wekudyidzana pakati peZimbabwe neSouth Africa weBi-National Commission, uyo uri kuitwa muHarare.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave…

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG