Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi Chipiri 19 2019


Nhau DzeShona Studio7

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vosvika kuManicaland uko mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwawo kusvika nhasi. Vanhu vanodarika makumi mapfumbamwe nevasere vanonzi vashaya kusvika parizvino asi huwandu uhu huri kutarisirwa kukwira zvakanyanya.

Tine hurukuro nevanhu vakawirwa nedambudziko redutumupengo iri kuChipinge nekuMasvingo.

Nyika dzakawanda, masangano akazvimirira uye vanhuwo zvavo votumira rubatsiro kuManicaland.

Kanzuru yeChinhoyi yobatirwa mudziyo nekuda kwekutadza kubhadhara mari kuZimra.

Magweta ezvizvarwa zvinomwe zvekuChina zviri kupomerwa mhosva yekuba nyanga dzenzou okwidza nyaya kudare repamusoro achiti haasi kuda kumiswa pamberi pedare sezvakataura namejastiriti vachiti hapa humbowo wakakwana.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa nyaya yematambudziko asangana nenyika nekuda kwedutumepengo Idai uye zviri kuitwa nevechidiki kubatsira vanhu ava.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG