Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 26, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vezvematongerwo enyika vopindira pamwe nekuvhiringa kugoverwa kwerubatsiro kuvanhu vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai kuChimanimani neChipinge.

Masangano anobatsira pasi rose oenderera mberi nekutsvagira vanhu rubatsiro kuManicaland neMasvingo

Zvimwe zvinhu zvinotengeswa mumigwagwa zvakaita semabhanana nezvimwe zvonetsa kuwana sezvo nzvimbo dzinorimwa zvirimwa izvi kuManicaland dzakaparadzwa neCyclone Idai.

Kushomeka kwemafuta edzimotokari kwodzokera zvakare munyika.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa kuvhiringwa kuri kuitwa mabasa nehupenyu hwevechidiki nedutumupengo reCyclone Idai.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG