Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau Dzanhasi Kurume 20, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vashanyira nzvimbo dzakaparadzwa nedutumupengo tropical cyclone Idai kuManicaland.

Huwandu hwevanhu vafa nekuda kwedutumepengo Idai huri kutarisirwa kuramba huchikwira zvakanyanya sezvo vanhu vakawanda vasiri kuzivikanwa kuti varipi mushure mekutakurwa nemvura. Tichakupai hurukuro nevamwe vari kushaya hama dzavo.

Musika wefodya wovhurwa nhasi vakawanda vachichema chema nekuderera kwemutengo.

Mudzviti wekuMasvingo anonzi nedare repamusoro haana simba rekumisa basa sangano rakazvimirira roga rekuMasvingo reCotrad kuita basa.

Muchirongwa cheDiaspora Forum na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko redutumupengo Idai.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG