Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuti Igadzirise Zvematongerwo Enyika Kwete Kukoshesa Misangano


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakapeta musangano wekudyidzana munyaya dzezvehupfumi nemutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa muHarare nezuro,asi dzimwe nyanzvi dzinoongorora nyaya dzezvehupfumi dziinoti hadzione paine zvichabuda.

Mutungamiri wesangano reCoalition For Market and Liberal Solutions VaRejoice Ngwenya vanoti misangano yakadayi havawone ichiunza pundutso munyika yakatarisana nematambudziko ezvematongerwo enyika yakaita seZimbabwe.

Vanoti kurudziro yaVaRamaphosa yekuti zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru venyika zviviswe haina zvainobatsira kana Zimbawe ichiramba ichityora kodzero dzevanhu.

VaNgwenya vanoti sezvo South Africa yakatarisana nesarudzo gore rino havaone ichizokwanisa kugadzirisa nhamo dzeZimbabwe panyaya yekuda chikwereti.

"Hurumende inokwanisa kugadzirisa zviga zviri kudiwa nehurumende yeAmerica nedzimwewo mukubvisa zvirango zvakatemerwa nyika pane kumirira misangano yekudyidzana nenyika dzakaita seSouth Africa" VaNgwenya vaudza Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG