Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume 25, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Gurukota rinoona nezvematunhu VaJuly Moyo vanoti vanhu zana nemakumi manomwe nevapfumbamwe vashaya vanodarika mazana matatu nemakumi maviri nevapfumbamwe vasiri kuzivikana kuti varipi mushure memafashamu edutumupengo Idai vachiti kuparara kwemigwagwa kuri kunonotsawo rubatsiro.

Bato reMDC rinoti SADC inofanira kuita musangano wechimbichimbi kuzeya dambudziko redutumepengo iri.

KuMozambique kunonzi kune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawirwawo nedambudziko redutumupengo iri.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vosimuka munyika vakananga kuSouth Africa kumusangano wekuratidza kubatana nekutsigira Saharawi Arab Republic Solidarity.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vochenurwa panyaya yavange vachipomerwa yekuti vakabatsirwa neRussia kukunda musarudzo.

ZIFA inotenda kuti pane mudzimai akashaya nezuro kuNational Sports Stadium mushure mekutsikirirwa.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu kuManicaland, Masvingo nedzimwe nzvimbo dzakawirwa nedutumupengo Idai.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG